0% found this document useful (0 votes)
1K views3 pages

Grade 7 Shona Exam Paper 2 2023

Sh on a preparation ex
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
1K views3 pages

Grade 7 Shona Exam Paper 2 2023

Sh on a preparation ex
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd

Awa nemaminitsi makumi mana nemashanu.

O KUVANYORI
mirairo yebvunzo unzwisise usati wanyora.

bepa rebvunzo usati wapiwa mvumo.

chinyoreso cheBlue kana Black pane zvose zvauchanyora pabepa rekupindurira mibvunzo.

a rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako pabepa rega rega rokupindurira.

mibvunzo neChiShona chakanaka pabepa rekupindurira mibvunzo.

rwa kutora awa rimwe chete pachikamu chokutanga uye maminitsi makumi mana nemashanu pachikamu c

mubvunzo mumwe chete pachikamu chokutanga ugopindura yose pachikamu chechipiri.

shandisa mapepa maviri kana akawanda emhinduro, unofanirwa kuasunganidza pamwe chete.

na kunzwisisa mirairo iyi bvunza mudzidzisi akutsanangurire usati watanga kunyora.


_____________________________________________________
rine mapeji matatu akanyorwa nepeji rimwe chete risina chinhu.
ools Examination Board, 2023 Examinations

kuseri]

CHIKAMU CHEKUTANGA: RONDEDZERO (Mamakisi 20)


2023 Grade 7 Mid Year Exams: Shona Paper 2 Page 1
Sarudza musoro mumwe chete pane inotevera. Zvino chinyora muChiShona
chakanaka, rondedzero kana hurukuro ine mazwi zana nemakumi maviri.
Ukasarudza tsamba, mutumbi wayo, ngauve nemazwi zana nemakumi maviri.

1. Nyora hurukuro pakati pemukuru wechikoro nemwana anogarouya kuchikoro


asina zvokushandisa zvakakwana.
2. Rondedzera zverwendo rwamakafamba sechikoro nechinangwa chokunodzidza.
3. Nyora tsamba kuna sekuru vako uchivatenda nerubatsiro rwavakakupa.
4. Nyora rondedzero ine musoro wekuti “Makwikwi akaitwa pachikoro pedu”.
5. Nyora rondedzero uchitsanangura kukosha kwekurima.

CHIKAMU CHECHIPIRI: NZWISISO [Mamakisi 10]


2023 Grade 7 Mid Year Exams: Shona Paper 2 Page 2
Verenga nyaya iyi ugopindura mibvunzo yakapiwa nemhinduro dzizere.

“VaMoyo, ndizvo zvandava kuita izvozvi. Handingajaidzi makudo neanokamhina.


Ndavakuenda nemwanasikana wangu izvozvi,” vakadaro VaShoko vachidedera
nehasha. VaMoyo vakapindurawo nezwi rakakwira voti, “Ndiko kunonzi kufarisa
kwamava kuda kuita. Moda kupinda nemwenje mudziva zvino.”

“Aika! Saka munoti ndisiye mwana wangu imi muchimubata sedhongi kudaro?
Dzava nhumbu nhatu dzake dzabva. Zvose izvi nokuti anogara achirakashwa
nemurume wake, mwana wenyu. Zvakare munomurambidza kuenda kuchipatara.
Iko zvino angoti svapata kunge mombe dore. Munhu mudiki akadaro anoti pera-
pera kunge asina mabhonzo? Kuperezeka kudaro?” “Mwana wenyu takaroora
mukadya danga redu. Mukadzi uyu mukadzi wepano! Hapana kwamunoenda naye.”
“Kana zviri zvetupfuma twenyu handina basa natwo. Ndinokudzorerai tupfuma
twacho. Handingaregi mwana wangu achifa ndakatarisa.” Vainge zvino
vadumbirwa VaShoko.

VaMoyo vakapindura voti, “Munoita zvekuseka imi. Hapana kwaanoenda nokuti


mukadzi wemwana wangu.....” VaShoko vakavadimbudzira voti, “Imi
chinokudaroyi chiiko? Ndimi murume wacho here?” “Ko, imi ndimi Sekai wacho
here? Iye Sekai haana kumboti haachadi zvepano saka munotaurirei marara ese
aya?” Shasha mbiri dzakadzvokorana nemaziso akati piriviri kunge mhiripiri.

MIBVUNZO
Pindura mibvunzo inotevera nezvirevo zvizere.

1. Ndiani arikutaurwa nezvake mundima? [1]


2. Vanhu vangani varikukurukurirana munyaya iyi? [1]
3. Chii chakaita kuti VaShoko vatsamwe? [1]
4. Kupinda nemwenje mudziva kuita sei? [1]
5. Kupera muviri kwaSekai kwakafananidzwa nei mundima iyi? [1]
6. Nyora pfupiso ine mazwi makumi matatu nemashanu uchitsanangura
zvakaitika munyaya yawaverenga. [5]

2023 Grade 7 Mid Year Exams: Shona Paper 2 Page 3

You might also like