Beef Production For Smallholder Farmers in Zimbabwe (Shona)
Beef Production For Smallholder Farmers in Zimbabwe (Shona)
OLOGY
CH N DE
TE
Y
V
IT
EL
MMUN
OPMENT
CO
First Edition
We Effect inokurudzira kushandiswa kweruzivo urwu uye kuzivisa vamwe. Havakurudziri vanhu vanokopa,
vano(downloaded) uye kuprinta kuti vagoita zvino zvavo pachihwande, kudzidzisa nekutsvaga ruzivo kana kuti
bhuku iri rigowanikwa richishandiswa zvisiri pamutemo. Vanokurudzira kuti ani nani anoda kushandisa nhuku
iri atange ataura navo achivazivisa zvaanege achida kuita naro.
Nzwisisa kuti:
Zvakanyorwa mubhuku rino ipfungwa dzevanyori kwete mifungo nemitemo ye UKAid kana We Effect.
EXTRA Consortium:
Bazi reExternsion Training for Rural Agriculture (EXTRA) riri kiushanda
nebazi re LFSP mumatunhu matatu kumaguta matatu eMidlands Province
mubatanidzwa webazi mashanu 5 NGOs anoti (WE EFFECT, Welthungerhilfe,
Heifer International, ICRISAT, and CTDO). Chinangwa chebazi reEXTRA
kusimudzira zvekudya zvine utano kuburikidza nenzira dziri nani
dzekurima. Izvi zvinogoneka kuburikidza nekupa varimi rutsigiro rwekuvapa
mukana kuti vawaniswe ruzivo uye unyanzvi hwekurima. Gwaro iri riripo
kuwedzera varimi kuita mapoka kuti vakwanise kusvikira nzira dzekurima
nadzo, ruzivo rwemamiriro epamisika vachitora rupande / ruzivo kubva
munyaya dzese idzi mugwaro iri.
Munyori anopa kutenda, kukuru kubazi reUKAid iro rakapa rutsigiro rwemari
kuti chinyorwa ichi chitsikiswe nekupepetwa.
iii
MASHANDISIRWO ECHINYORWA CHINO
Chinyorwa ichi chakagadzirwa kubatsira varimi vanoda kupinda mumapoka anodzidza
zvekusimudzira nyaya dzekurima nyama dzemombe. Bhuku rino rinogona kuverengwa
nevanhu vari boka kana kuverengwa nemunhu ari ega zvichienderana nechinangwa
kana chido chake chaanenge achida kuzadzikisa. Munhu kana achiverenga bhuku iri
anoriverenga kuti awane ruzivo rwakadzama pamusoro pemastudy circle group asati
apinda muboka iri. Zvinokurudzirwa kuti vose vanoda kupinda muboka iri havafaniri
kutanga vambotanga vaumba mapoka vasati vadzidziswa sezvo vachizokwanisa
kukanganisa kuenderera mberi kwemapokaaya. Mapoka ose anoubwa kana anoitwa
vanhu vasati vawana zvidzididzo zvakakwana anoita dambudziko rekukurumidza
kuparara munguva pfupi. Kuti muwane zvakakwana kubva muchinyorwa ichi, vanhu
vanokurudzirwa kukurukura mumapoka izvo zvinopa mukana wekunzwa pfungwa
dzakasiyana siyana kubva kunhengo dzinenge dzichitora rupandi.
Mapoka (study circle) ose anoitwa anofanira kuitwa pasina kumanikidza uye
zvichienderana nechido uye kuda kudzidza kwemunhu. Zvakakosha kuziva kuti
kusarudzwa muboka rekutanga hazvipi munhu chivimbo uye simba rekuti ava nhengo
izere ichasarudzwa zvekare muboka rinodzidza zvemushandirapamwe.
Zvakakosha kuti boka rimwe nerimwe riubwe nevanhu vanosvika vashanu kana gumi
nevashanu. Boka rimwe nerimwe rinofanira kusarudza mutungamiri waro zvakare
mutungamiri uyu haasi mudzidzisi asi anoshanda semutungamiri kubatsira
muzvidzidzo zvinenge zvichiitwa. Haafaniri kuva anoratidza kuva neruzivo
rwakanyanya kudzama sezvo ruzivo runenge ruripo rwakanyorwa pagwaronyana
(booklet). Nerumwe rutivi zvakanakawo kuti mutungamiri akurudzire nhengo dzinotora
rupandi mumapoka aya. Nhengo dzeboka iri dzinofanira kutendererana
padzingasangana uye nguva nenzvimbo dzekusanganira. Pfungwa huru iripo yakakosha
ndeyekuti gwaro iri rinofanira kuverengwa richitevedzwa manyorerwo arakaitwa uye
vadzidzi vanofanira kuenda pane chimwe chidzidzo kana vachinge vabata nekunzwisisa
zvidzidzo zvekutanga.
Bhuku iri rakaiswa muzvikamu. Chikamu chega chega chine mibvunzo inofanira
kupindurwa kuita kubatsira kunzwisisa kwenhengo zvinenge zvadzidzwa.Nhengo
imwe neimwe inotora rupandi inofanira kuva nechinyoreso uye pekunyorera kuitira
kunyora dzimwe pfungwa dzinenge dzichiburitswa nekupiwa. Izvi zvinobatsira
pakuzovhura mukana wekubvunza.
iv
ZVIRI MUBHUKU
CHIKAMU 1 Nhanganyaya Yenzira Yekudzidza Seboka 1
REFERENCES 93
v
vi
CHIKAMU 1
CHIKAMU 1
Nhanganyaya Yenzira Yekudzidza Seboka
Donzvo rechidzidzo
Hurukuro
● Kupfuya mombe dzenyama kuri kuitwa here munharaunda mako,
kana zviri kuitwa ndivanaani vari kuzviita?
● Zvii zvakakoshera kupfuya mombe dzenyama?
● Nyama inoshandiswa chii?
1
CHIKAMU 1
Bishi/Zvokuita
a) Bvunza mumwe nemumwe kuti sei akada kuva nhengo yeboka iri? Ipa
mukana wekuti mumwe nemumwe ape pfungwa dzake
b) Zvakare kurukurai kuti mumwe nemumwe ari muboka iri achabudirira sei
pane zvaanotarisa pakudzidza uku
Pfungwa Huru: Vakuru vanofarira kudzidza zvidzidzo zvine chekuita navo uye zvinobata
chikamu cheupenyu hwavanorarama
2
CHIKAMU 1
● Vanodawo kudzidza zvinoenderana nekubata kwavo, panguva dzakafanira uye
nzvimbo yakakodzera.
● Vanofarira kudzidza zvakanaka kana vakapiwa mukana wekusarudza zvavanoda
kudzidza, pekudzidzira uye kuti vangadakudzidza musi upi.
● Vakuru zvakare havadi kuratidzwa kuti vanoshorwa papfungwa nemaonero avo.
● Vanodzidzawo zvakanaka kana vakapiwa mukana wokupawo ruzivo rwavanenge
vanarwo uye zvavakasangananazvo muupenyu.
Tichitarisa mukudzidza uku tinoona kuti vanhu kana vachidzidza neshamwari dzemazera avo
kana vabiya vavo, kudzidza uku kunotora rupandi rwakanyanya mukusimudzira nharaunda
sezvo vachikwanisa kupanana pfungwa namazano zvinogamuchirika nekukurumidza.
Bishi
a) Kubva mumwedzi mitanhatu yapfuura wakambotsvaka here mazano kubva
kumuvakidzani, shamwari kana hama?
b) Kana wakatsvaka mazano aya akakubatsira here?
Zvokuita
a) Taura zvimwe zvezvinhu zvinotariswa kana muchisarudza mutungamiri weboka iri
3
CHIKAMU 1
● Kukwanisa kuzvidzora
● Kukwanisa kuramba uine ushamwari nenhengo dzese dzeboka chero pachinge paita
mhirizhonga kana kugumburwa nevanhu
● Kukurudzira nhengo dzese uye kupawo mukana wehurukuro kumunhu wese
● Kuvawo munhu anokwanisa kutora pfungwa kubva kunhengo
● Kuvawo neunyanzvi hwekuteerera
● Kukwanisa kugadzirira chidzidzo uye kufanotsvakawo umbowo hwezvechidzidzo
chichakaitwa
● Kukwanisa kupawo nhaurwa muchidimbu nepfungwa huru dzechidzidzo
● Anofanirawo kuvawo munhu anokwanisa kusvikirika nevanhu uye anodawo
kushanda nevanhu
● Haafaniri kuva ane humbimbindoga
4
CHIKAMU 1
1.5 Basa revadzidzi
Zvokuita
Ndezvipi zvaunotarisirwa kuita mukudzidza seboka?
Vanhu vanotora rupandi mukati mekudzidza seboka vanobatsira vamwe vavo kutsvaka
ruzivo uye kugadzirisa matambudziko. Nhengo dzose idzi dzinofanira kunzwisisa uye
kugashira basa ravo rekushandisa ruzivo rwezvavakasangana nazvo kuti vamwe vavo
vabatsirikane. Kana nhengo inotora rupandi mukati mekudzidza seboka ikapa pfungwa yayo
pfungwa iyi inobva yava yeboka rose. Izvi zvinobatsira kusimudzira ruzivo rweboka rose uye
kuti nhengo imwe neimwe itore rupandi. Mapoka ose ekudzidza anofanira kukurudzira
kubatana kwete kuunza makakatanwa kana makwikwi. Nhengo dzinotora rupandi
dzinofanira kubatsirana kutakurirana mutoro mukubudirira kana kusabudirira kweboka.
5
CHIKAMU 2
CHIKAMU 2
Donzvo rechidzidzo
● Kugashira zvakakoshera kupfuya mhando dzakafanira dzemombe
dzenyama.
● Kunzwisisa kukosha kwekupfuya mombe dzenyama.
● Kukwanisa kuziva mhando dzakajairika dzemombe dzenyama
dzinochengetwa.
● Kugona kuronga kuti ndeipi mhando yemombe dzingachengetwa
nevanhu vakasiyana siyana.
Hurukuro mumapoka
● Ndezvipi zvakakoshera kupfuya mombe dzenyama kwauri uye
kumhuri yako?
● Sei uchiona sekuti kupfuya mombe dzenyama ipfungwa
yekuchengeta upfumi yakanaka?
● Ndezvipi zvaunoona nazvo kana kuti zviri pamhando dzemombe
dzenyama dzaunochengeta?
● Varimi vazhinji vechidiki vanopinda mukupfuya mombe dzenyama
senzira yekuchengetedza mari yavo pane kuchengetera
mumabhanga. Kune vamwewo inzira yakabva kumadzitateguru
avo iyo ichiri kurarama kubva kune rumwe rudzi ichienda kune
rumwe. Kune vamwe zvakare zvekupfuya mombe dzenyama izvi
zvinoita kuti vave nechiremera munharaunda mavanogara.
Kupfuya mombe dzenyama kunobatsira zvakanyanya kusimudzira
upfumi hwenyika yedu yeZimbabwe.Varimi vemombe vanorima
padiki ndivo vazhinji vevamwe vanochengeta mombe dzenyama
vanobata chikamu makumi manomwe neshanu kusvika kumakumi
masere kubva mu zana (75%-80% ) chemombe dzenyama
dzinochengetwa muZimbabwe.
Mhando yemombe iyi inonyanyo zivikanwa nemazita ekuti Makalanga, Kalanga, Makaranga,
Ngombedza Vakaranga, Shona Mashuk, Mashukulumbwe. Mhando yakatanga kuvapo
yemombe dzerudzi rweMakaranga yevaShona muZimabawe yaiva yerudzi rweSanga
yakangofananawo nedzerudzi rwemaTonga emuZimbabwe. Mhando dzese idzi
dzakaparadzwa nechirwere chakauya mugore ra1896-98 uye fivhiri inonzi iyo East Coast
Fever yakauya mugore ra1900-06. Mashoko awa akatorwa muongororo yakaitwa
naVaDagris muna 2005.Nekuda kwaizvozvi, mombe zhinji dzerudzi rwechiAngoni rwakabva
rwauya izvo zvakaunza kusimudzirwa kwemhando dzemombe.Mhando iyi ndiyo
yakazotumidzwa kunzi Mashona. Mhando iyi yakapararira kumabvazuva nepakati penyika
yeZimbabwe zvichidzika nekumadokero zvichibata matunhu eMidlands neMatebeleland
North zvinosanganisira Gokwe, Tsholostho neLupane nekumabvazuva kuno ganhurana
Zimababwe neMozambique.
Mombe iyi idoko, ine mapfupa akanaka, nemuviri wakaenzanirana, dzakasimba, ipfupi,
dzakarurama, mvere dzacho ipfupi dzinotsvedzerera dzakavhengana tsvuku uye tema.
Dzimwe dzine ruvara runosanganisira pfumbu, chena, tema zvakavhengana. Vanhu
vanopfuya mombe idzi vanonyanyoda dzine rudzi rumwe chete kunyanya rutema. Uremu
hwemombe yorudzi urwu inenge yakura hunosvika makg anoita mazana maviri nemakumi
manomwe neshanu kana mazana matatu nemakumi mashanu (275 -350kg).
Hurukuro mumapoka
● Tine mhando dzerudzi rwemombe dzemashona here mumombe dzedu dzatinopfuya?
● Kana tinadzo ndedzipi nzvimbo dzadzinofanira kunge dzichichengetwa maringe
nemanaire anoita mvura munzvimbo dzatiri?
7
CHIKAMU 2
2.2.2 Tuli
Tuli imombe iri pakati nepakati yerudzi rweSanga. Ine mapfupa akasimba nenyanga huru
nemakumbo uye ine muviri wakaurungana. Inobereka mhuru dzakasimba, yakasimba uye
inoburitsa nyama yakanaka. Ruvara rwayo rutsvuku, neruchena uye rupfumbu. Mombe
yerudzi urwu inenge yabva zera iri jongosi inogona kurema makirogiramu anosvika mazana
manomwe nemakumi mashanu kana churu (750 -1000kgs) hadzi inogona kusvika mazana
mana nemakumi mashanu kana mazana mashanu nemakumi mashanu (450kg -550kg).
Hurukuro mumapoka
● Tine mhando dzerudzi rwemombe dzemashona here mumombe dzedu dzatinochengeta?
● Kana tinadzo ndedzipi nzvimbo dzadzinofanira kunge dzichichengetwa maringe
8 nemanairo anoita mvura munzvimbo dzatiri?
CHIKAMU 2
Zvimiso/ zviga zvinonongedza rudzi rwemombe yeTuli
Mhando yemombe iyi yakabva kurudzi rweAfrican Sanga iyo inonzi yakabva kuchamhembe
kweAfrica mumakore zvuru zvisere apfuura. Mombe idzi dzinonzi dzakauya nevanhu
vakayambuka rwizi Zambezi kubva mumakore ari pakati pe590-700AD. MuZimbabwe
mombe yerudzi urwu iri kunzi ndiyo yasara yakawanda kumombe dzinodaidzwa kunzi
“Matebele”. Varimi vose vanorima pakuru nepadiki vanochengeta mhando yemombe iyi
kumaodzanyemba kwenyika yeZimbabwe.
Mombe iyi iri pakati nepakati ine mavara akasiyana siyana. Kunyange zvazvo ruvara rwacho
ruchisiyana, ruvara runonyanyozivikanwa imvere chena netema, pfumbu uye brown. Mvere
dzine ruvara dzinowanikwa pamaziso munzeve nemavara mavara kumuswe. Mombe idzi
dzine misoro yakati kure dzine nyanga dzakakombama kunyanya kumajongosi acho. Nzeve
dzacho ipfupi uye dzakamira mudenga uye nyundwa yadzo haina kukura. Kana dzichinge
dzakura mombe idzi handira dzacho dzinorema uremu huri pakati pemazana matanhatu
kana mazana masere (600-800kg), mhou dzacho dzinorema uremu huri pakati pemazana
matatu nemakumi mashanu kana mazana mashanu (350-500kgs).
9
CHIKAMU 2
Hurukuro mumapoka
● Tine mhando dzerudzi rwemombe dzemashona here mumombe dzedu
dzatinochengeta?
● Kana tinadzo ndedzipi nzvimbo dzinofanira kunge dzichichengetwa maringe
nemanairo anoita mvura munzvimbo dzatinogara?
2.2.4 Arikander
Mombe iyi inoratidzika kuva nenyama yakanaka uye vazhinji vanoitora semombe
yekuchengetera zvenyama. Mhou inenge yakura kana kubva zera inorema uremu
hungangosvika mazana matanhatu nemakumimatatu 630kg uye handira yacho inorema
uremu hunosvika mazana mapfumbamwe 900kgs. Ruvara runonyanyoonekwa
pamombe iyi rutsvuku uye rupfumbu.Nyanga dzacho dzinokura dzakatevedza musoro
dzakaita sedzakatarisa mberi dzozonosimuka dzava mberi dzakaita
sekumonyoroka.Nyundwa yacho yakati kurei kumajongosi erudzi urwu.
10
CHIKAMU 2
Zvimiso zvinonongedza mombe yerudzi rweAfrikander
Mombe idzi kubva makore ekare dzakawirirana nenzvimbo zhinji dziri kumaodzanyemba
kweAfrica (Southern Africa). MuZimbabwe mhando iyi inochengetwa nevarimi vanorima
pakuru uye panzvimbo huru.
Hurukuro mumapoka
● Imhando ngani dzemombe dzenyama pane dziri pamusoro idzo dzamunoziva?
● Ndedzipi mhando dzakanyanyo wanda kana kujairika munharaunda maunogara?
● Doma mhando dzaunadzo dzawakamboita mukuru wevatariri kana kuona nezvadzo?
● Mhando dzakapiwa pamusoro apo dzinosiyana papi nedzako dzawadoma?
Mifananidzo iri pazasi inoratidza mombe dzerudzi rwe Herifodhi kuruboshwe neBrahamani
kurudyi
11
CHIKAMU 3
CHIKAMU 3
Donzvo rechidzidzo
● Kugashira kukosha kwekusimudzira neutariri mumombe
dzenyama;
● Kunzwisisa matanho kana zvinodiwa pakusarudza handira nemhou
dzekupfuya;
● Kunzwisisa zvinodiwa pakuchengeta mombe dzenyama;
● Kushandisa kana kutambira pfungwa dzakanaka pakuchengeta
mombe dzenyama uye panguva dzakakodzera
Hurukuro
● Kutaurirana pamusoro penzira dzakajairika dzekusimudzira
mhando dzemombe dzenyama:
● Nyora nekudoma nzira dzingashandiswa nevarimi kusimudzira
mhando dzemombe dzenyama.
● Handira dzingasarudzwa sei?
● Ungasarudza mhou dzako sei?
● Ndezvipi zvinotariswa kana munhu achisarudza mhou kana
handira dzekuuraya?
● Enzanisa mhinduro dzako dzawapa nedzevamwe vako vari muboka
ramunodzidza naro.
● Unganidzai mhinduro dzapiwa motora dzakanaka moenzanisa
nezvakurukurwa pazasi apo.
Kusarudzwa kwehandira kana mhou kunoitwa nevarimi kuti vakwanise kutora mhou
nehandira dzemhando yepamusoro kubva muchikamu chemombe dzinenge dziripo. Kana
vachiita izvi varimi zvinhu zvinoteera zvinotariswa:
● Mubatanidzwa wemaitiro kana kufanana kunoratidza kusimba kana kusasimba
kwetsiru kana mhou asi zvichisvikawo pane zvinotariswa pamisika inotegeswa
mombe dzenyama;
12
CHIKAMU 3
● Kukura kumoita mhuru yebhuru yazvarwa zvichienderana nehuremu hunotariswa
mhuru isati yarumurwa;
● Kutevedzwa kwerudzi kana ruvara rwakafanana rwemombe rurambe ruripo kubva
kune dzinenge dziripo uye dzichazvarwa;
● Dzinofanira kuva dzinoburitsa nyama inokwanisa kubata chikero pane zvinotarisirwa
pamusika unotengeserwa mombe dzenyama;
● Handira dzacho hadzifaniri kuva dzinoitisa mhou mhuru dzakakurisa dzinozonetsa
pakuzvarwa;
● Zvakare dzinofanira kuva dzine utano dzinokwanisa kuva dzino berekesa nekubereka
mhuru dzakasimba, uye dzine nyama zvakare dzisina nyanga.
13
CHIKAMU 3
Nhanganyaya
Varimi vanokundikana kuti vape sarudzo dzakanaka dzenzira dzingaitwa kuchengeta mombe
dzenyama uye nguva yakakodzera kuchengeta mombe idzi. Varimi vanongoshandisa nzira
yekuti mhou, matsiru nehandira zvinongofura pamwechete kusvika gore rese rapera vasina
kumbotsaura handira kubva kumhou nematsiru.
Kunyangwe zvakadaro hazvo asi murimi wese anofanira kushandisa nzira yaanoona inoita
kuti akwanise kuzadzisa zvido nechinangwa chake uye zvisingamudyiri mari yakawanda.
Donzvo kana kuti chinangwa chemurimi wese wemombe dzenyama chinofanira kuva
chekupfuya mombe dzinogutsa vatengi venyama. Semurimi mudiki wemombe dzenyama,
chinangwa chinofanira kuva chekuburitsa mombe dzine nyama yemhando yepamusoro
zvichienderana nenzvimbo mauri kuitira zvekupfuya mombe idzi. Zvinotevera izvo
ndedzimwe dzenzira dzekusanganisa (breeding) dzekupfuya nadzo mombe:
Kuuchika (Crossbreeding)
Iyi inzira yekusanganisa mombe dzakada kufanana parudzi rwadzo zvakaita sekutora
handira kuti iberekese mwana wayo kana kuti handira netsiru zvakaberekwa namai vamwe
chete zvinogona kusanganiswa kuti zviberekesane mhuru. Nzira iyi haidi kuti murimi atenge
imwe handira sezvo handira inenge iripo iyi ichikwanisa kuberekesa amai vayo izvi zvinoita
kuti rudzi rwemombe dzinenge dziri muboka iri rurambe ruripo runenge ruchidiwa
nemurimi uyu. Nzira yeinbreeding haiwanzokurudzirwa kuvarimi vadiki munyika yedu
yeZimbabwe sezvo zvirizvo zvinokonzera mombe kusakura uye dzisina nyama inotarisirwa
nevatengi. Inbreeding zvakare inoita kuti mombe dzive dzino kurumidza kubatwa nezvirwere
uye dzinoita kuti pabudewo kana kuzvarwa mombe dzinenge dzine zvimiso zvinenge
zvisingadiwi zvakaita semombe dzisingabereki, dzinobereka vana vakaremara kana mhuru
dzisina kunyatsosvika.
14
CHIKAMU 3
Kusangasisa mombe dzisina rudzi rumwero (Outbreeding)
Iyi inzira yekubatanidza mombe dzenyama dzisiri dzerudzi rumwechete zvakaita sekutora
mombe hadzi nejongosi dzisiri dzedzinza rimwechete asi dziri dzerudzi rumwechete. Izvi
zvakakosha sezvo zvichiita kuti unaku hunodiwa hunenge huri mumombe idzi hurambe
huripo. Unaku uhu hunosanganisira ruvara rweganda runenge ruchidiwa kuti rurame ruripo
mumombe idzi.
Iyi imhando inosanganisira kutora mhou inenge yoratidza kuti yava kuda kusangana
nehandira kuti dziburitse mhuru. Iyi nzira ndiyo yedzimwe dzenzira dzekare dzaiitwa muno
muZimbabwe. Nzira iyi ndiyo inoshandiswa nevarimi vazhinji vadiki muZimbabwe. Nzira iyi
inoda kuti tsiru kana mhou nehandira zvinenge zvichisangana zvose zvinofanira kuva
zvakasimba pakuberekesana. Izvi zvinogoneka kana kana mombe idzi dzine kudya
kwakakwana uye unyanzvi neungwaru pakusarudza mhou nematsiru papurazi. Handira
zvakare inofanira kuva inogona kuva inopiwa mukana wekusvikira mhou kana matsiru ose
anenge achiratidza kuti ava kuda handira.
Mbeu yehandira kana mhou yabve zera inotorwa namazvikokota vakaita zvemombe voenda
nayo mumuzinda wezvesaenzi (laboratory) voichengeta voiisa mumajekiseni yobva yaiswa
muchibereko chemhou inenge yava kuda kusangana nehandira. Nzira iyi inoda kuitwa nana
mazvikokota vane unyanzvi hwekuita izvi vanenge vachiziva mashandiro anoita nhengo
dzemuviri yemombe. Kunyange nzira iyi ine zvakawanda zvayakanakira, yakaomera varimi
vadiki. Asiwo zvinokurudzirwa kuti kana wavawo murimi mukuru unofanira kushandisa
unyanzvi uhu kuitira kuwedzera mombe dzingangozvara. Kuti ushandise unyanzvi uu
zvinodawo kuva neumhare pakuziva kudziya kunodiwa uye tumvura (liquid
nitrogen)tunodiwa kuchengetedza mbeu yehandira mumudziyo/ chigaba mumadhigirizi
angangoita zana nemakumi mapfumbamwe nenhanhatu -196C. Panodiwawo zvakare
zvombo zvakakwana zvinozoshandiswa namazvikokota munyaya iyi.
15
CHIKAMU 3
Hurukuro Mumapoka
● Zvisina kunakira uye zvakanakira kuberekesa/kupfuya mombe kwegore rese?
Izvi zvinoitwa kazhinji nevarimi vose vadiki muZimbabwe sezvo zvichipa mukana wekuti
vaitewo mamwe mabasa ekurima mumapurazi. Zvino wanzoitwa kusiya handira ichifura
nemhou nematsiru kwegore rese.Matsiru anofanira kuzoiswa kuhandira kana ava kuratidza
kuti oda handira. Mhou dzinoregerwa dziine handira kwegore rese dzine mukana mukuru
wekuita mhuru chero mwaka wegore. Nzira iyi ine zvayakaipira zvakawanda kudarika
zvakanaka zviri pairi sezvo mhuru dzichingozvarwa chero mwaka mukati megore. Mhuru
dzinoberekwa munguva yakunenge kusinganayi dzinodawo chikafu chekutenga sezvo
kunenge kusina uswa hunyoro hunovaka muviri.
Zvazvakanakira
● Kana murimi achida mukaka kwegore rese zvakanakira kusanganisa mombe kupfuya
breeding gore rese;
● Handira inoramba iri muboka remombe zvinoita kuti kurwa kana kutungana
kwehandira kuve kushoma. Kurwa kwehandira kunoita kuti fenzi kana waya
idambuke uye kuparadzwa kwemidziyo inodyira nekunwira mombe;
● Nekuda kwekuti mhou shoma dzinenge dzichida kusangana, handira shoma dzinenge
dzichidikamwa kusangana nemhou idzi;
● Mhou dzinowanawo mukanawo wekunatsa chibereko mushure mekubata zamu;
● Kutengeswa kwemombe kunogona kuitwa mukati megore rese;
● Matsiru anosangana nehandira kana achinge asvika zera rekubara.
Zvazvakaipira
Uyu ndiwo mwaka unokurudzirwa sezvo une mwedzi mina kutanga muna Mbudzi kusvika
muna Kukadzi (November –February):
Nguva inotorwa nemhou kana yakazvitakura mazuva mazana maviri nemakumi masere
nenhanhatu kana mazana maviri nemakumi mapfumbamwe(286-290 days) izvi zvinoreva
kuti kana mombe ikabata zamu muna Zvita mhuru zhinji dzinenge dzobrekwa muna
Gumiguru kana Gunyana.
Hurukuro mumapoka
● Wadzidzei muchikamu ichi?
● Kubva pazvinhu zvawadzidza ungazvishandisa sei papurazi pako?
17
CHIKAMU 4
Kuchengeta neHutariri Mukurera Mhuru
Donzo rechidzidzo
Mukupera kwechikamu chino nhengo dzinotarisirwa kuziva
zvinotevera:
● Kunzwisisa nezve kuchengeta mhuru;
● Kunzwisisa kukosha kwekupa mhuru mukaka wekutanga
(colostrum) kumhuru dzichangozvarwa;
● Kuziva matanho akakodzera anotorwa pakurera nechengetwa
kwemhuru kubva padzinozvarwa kusvika dzichizorumurwa.
Hurukuro mumapoka
Usati waenderera mberi kurukurai pfungwa dzinotevera:
● Ndedzipi nzira dzinowanikwa pakuchengeta nekurera mhuru
dzinoitwa papurazi penyu.Doma uchinyora pasi nourongwa
hwemakoshero adzo nzira idzi.
4.1 Nhanganyaya
Kufa kwemhuru ndiko kunokonzera kurasikirwa nemombe dzakawanda mukupfuya mombe
dzenyama. Kurera mhuru kunogona kutorwa kana kudaidzwa sebasa rakafundirwa uye
setsika iri muropa. Kurera mhuru kunosanganisira ruzivo, unyanzvi, kushanda nesimba,
kuisa mari yakawanda uyewo neidi rose kuitawo mhanza diki.Kuziva wekunanga kana
kudaidza kana usina rizivo pane zvinenge zvanetsa ndezvimwe zvakakosha mukurera mhuru.
Kurera mhuru nekudzitarisira, kunobva muutariri hwakakwana nesarudzo dzakanaka
mhuru dzisati dzavepo, sarudzo dzakanaka mukusarudza mhando/ rudzi rwemombe
dzekupfuya kusanganisira mhou nehandira nematsiru.
Kutanga kugadzirira nguva ichiripo zvinobatsira kuti murimi asarasikirwa nemhuru uye kuti
dzisabatwa nezvirwere.
Zvirangaridze iwe pachako kuti mwaka wako wekuuchika/kupfuya (breeding) unotanga papi
uye paunotarisira kuva nemhuru uyewo ziva kuti dzimwe mhuru dzinogona kuzvarwa
nekukurumidza nevhiki imwechete. Gadzirira pekudyira uye mafuro akakwana usati wava
nemhuru idzi uye wona kuti pakachena uye pane mvura, zvekudya pekurara pakakwana.
18
CHIKAMU 4
4.2 Tingabatsira sei mombe pakubereka mhuru
Hurukuro mumapoka
● Ndedzipi nzira dzamunoshandisa munharaunda mauri dzekuchengeta nekurera mhuru
nadzo?
● Ndedzipi gadziriro dzaungaita kumhou dzine matambudziko pakubereka mhuru?
Kunzwisisa dano rekuzvarwa kwemhuru chinhu chakakosha zvakanyanya usati waona kuti
mhou kana tsiru zvingada rubatsiro pakubereka mhuru.Kunyange zvazvo pane musiyano
yakawanda pamhou pakuita kwadzo kana dzoda kubereka mhuru uye nguva yadzinotora,
pane zviratidzo zvino zivikanwa zviri pachena kana mombe yava kuda kubereka. Zviratidzo
zvinotevera zvinoonekwa mumasvondo matanhatu mombe yava kuda kubereka:
Kana danho rekuzvarwa kwemhuru risiri kuitika zvakanaka mibvunzo inotevera inogona
kuuya kana kubvunzwa:
● Ndingatora rupandi here kubatsira mhou iyi pakubereka?
● Mhuru ingazvarwa here kuburikidza nekuikweva/ kudhonza?
● Ndingadaidza here mazvikokota wemombe weVertinary kana umwewo munhu ane
ruzivo rwekubatsira mombe pakubereka?
19
CHIKAMU 4
Kana ukaona zvinhu zvisina kujairika zvausati wamboona kana mombe ichibereka unofanira
kukasika kudana chiremba wemombe wemombe (Veterinary Assistant /Livestock
Extension Officer). Rangarira kuti mhuru mhenyu uye mhou ine utano ndizvo zvinhu
zvikuru zvinokubatsira kuti mhuru iberekwe zvakanaka.
Hurukuro mumapoka
● Ndeapi matambudziko awakasangana nawo mukutarira uye kurera mhuru kubva
pakuzvarwa kusvika pakurumurwa?
● Ndeapi matambudziko ane chekuita neutano anosanganiwa nawo pakurera mhuru
kubva pakuzvarwa kusvika pakurumurwa?
● Itai hurukuro kuti nemhaka yei mhuru dzichida kupiwa kudya mushure
mekuzvarwa?
Iyi nguva apo tsiru kana mhou inenge yoda kubereka mhuru kazhinji mwedzi miviri tsiru
kana mhou yotarisirwa kubereka.Kumhou iyi inguva apo mhou dzinenge dzisiri kukamwa
kuitira kuti mhou yagadzirira kuva nemukaka.Kupa mombe kudya kwakakwana uye utariri
hwakanaka zvakakosha zvakanyanya muutano nemararamiro emhuru ichangozvarwa. Izvi
zvinoita kuti mukaka uwedzerwe panguva yekuumba mukaka zvichitungamira zvakare
zvoderedza matambudziko angangouya mushure mekuberekwa kwemhuru.
Izvi zvakakosha nekuda kwekudzikira kwesimba remhuru kuti dzikwanise kutora mukaka
uyu uyo une masoja anodzivirira kuzvirwere anowanikwa mumukaka. Mushure memaawa
gumi nemaviri mhuru yazvarwa simba remhuru kuti ikwanise kutora masoja emumuviri rine
chidimbu pane isati yazvarwa.
21
CHIKAMU 4
● Kupa mombe mushonga webrucellosis kana mhuru dzine mwedzi mitatu kana mina;
● Kupa mushonga wechirwere chemapandauko (blackleg) mushure memwedzi mitatu
kana mitanhatu.
Manyoka
Mhuru dzine mukana wakakura wekubatwa nemanyoka (scours) kana dzichiri diki.Manyoka
ndiwo anokonzera urwere uye kufa kwemhuru zvakanyanya.Pane zvinhu zvakawanda
zvinokonzera urwerere hwemhuru.Manyoka anogona kukonzerwa nekuda kwekuti mhuru
yamwa mukaka zvakapfurikidza mwero.Manyoka anogona kukonzerwa nekushaikwa
kwemukaka wekutanga colostrum zvozokonzera kusava nemasoja emumuviri anobatsira
kurwisa zvirwere. Kana muchida rumwe ruzivo neumboo hwakakwana munogona kutora
bhuku rakanzi Beef Cattle Health Management for Small Scale Farmers Book 2, Session 3
subsection 3.6.
Hurukuro mumapoka
Mukupendera chikamu chino kurukurai mibvunzo inotevera:
● Chikonzero ndechei kupa mhuru mukaka wekutanga wakakwana padzinenge
dzichangozvarwa mushure meawa imwechete?
● Chii chinokonzera manyoka kumhuru diki?
● Zvii zvaunofanira kuita kuitira kuti mhuru dzisawirwa nezvirwere zvemanyoka?
22
CHIKAMU 5
CHIKAMU 5
Tingachengete Sei Zvipfuyo Zvedu
Donzvo rechidzidzo
● Kunzwisisa utariri hunodiwa pakuchengeta mombe dzenyama;
● Kunzwisisa zvakadzama zvakakoshera kubvisa mombe
dzenyama nyanga;
● Kunzwisisawo zvakakoshera kuendesa mombe kudhibhi uye
kushandiswa kwemishonga yechirungu yemudhibhi pamombe;
● Kuzivawo zvinhu zvinokonzera zvirwrere zvakaita senyongororo
mumombe uye marapirwe nekudzvivirirwa kwazvo;
● Kukowerana pamusoro pehutariri hunoitwa hwemombe
dzenyama.
5.1 Nhanganyaya
Zvekuita mumapoka
● Usati waendereramberi iva nekuzeya kana kukurukura nezvehutariri hwaunoita
mombe dziri papurazi pako.
● Nyora pasi hutariri hunoitwa mukuchengeta mombe dzenyama uchidoma kutanga
nechikuru kusvika kuchidoko.
Kucheka handira zvinoreva kubvisa mhodzi (testicles) pahandira. Izvi zvinofanira kuitwa
kuhandira dzese dzingashandiswa pabasa rekuberekesa (breeding) mhou. Mhuru dzese
hono dzinofanira kuchekwa kuitira kupedza dambudziko rekuti handira dzisangosangana
23
CHIKAMU 5
Buddizzo
Iyi nzira haina ropa rinobuda pakucheka handira doko. Iiyi nzira inonyanyoshandiswa
nevarimi vakawanda vadiki muZimbabwe. Izvi zvinoitwa kana handira yakarara pasi
24
CHIKAMU 5
yakasungwa makumbo muswe wayo wakasimudzwa uri kumusana kwayo. Mhodzi
dzehandira dzinoremberedzwa dzoiswa kurutivi rumwe. Mhare inenge yakabata mushini
uyu inodzvanya yakasiya masendimita angangoita mashanu 5cm kubva pamhodzi idzi.
Burdizzo iyi rinobva radzvanyiwa kweminute imwe chete kuitira kudimbura tsinga
inofambisa mbeu yehandira nechemukati. Izvi zvinoitwa mativi ese emhodzi dzehandira.
Mushini uyu haufaniri kudzvanya mhodzi yese nepamusoro nekuti izvi hazvishandi uye
hazvibatsiri. Kutsimbirirwa kwetsinga inofambisa mbeu kunoita kuti ropa risafamba zvino
zokonzera kuti mhodzi dzehandira dzitadze kushanda. Kuchenjerera uye kungwarira
kwakanyanya kunodiwa kuitira kuti pasazova nekukanganisa pakucheka handira zvinogona
kukonzera kurasikirwa nemombe. Kana tsinga idzi dzisina kudambuka munogona
kudzokorora zvakare danho iri. Kuti zvinyatsobudirira mushini weburdizzo unofanira kunge
uchishanda zvakanaka. Kana mushini uyu uchiratidza kuti wasakara haugoni kuita basa iri
nemazvo uye zviri nyore.
Hurukuro
● Ndezvipi zvikonzero zvekubvisa mombe nyanga?
● Ndedzipi nzira dzaunoshandisa kubvisa mombe nyanga?
Zvinokurudzirwa kuti murimi abvise mombe nyanga dziine masvondo masere dzazvarwa
nekuda kwekuti kubvisa nyanga mombe dzichiri diki zvinoderedza njodzi kana
kushungurudzika kumhuru uye kumurimi.
25
CHIKAMU 5
Kubvisa nyanga zvinofanirwa kuitwa muna Chivabvu kana Chikumi munguva yekutonhora
/nguva yekurumura nechikonzero chekuti kunenge kusina zvinokonzera zvirwere uye
kunyenga pamaronda zvinoita mhuru dzikasike kupora marwadzo nemaronda.
Njodzi dzinowira mhuru uye nemubvisi wenyanga dzinosiyana zvichienderana nenzira uye
umhizha hwashandiswa.Varimi vazhinji vemombe vanofarira kubvisa mombe nyanga
dzichiri mhuru doko nokuti izvi zviri nyore kune anozviita, hazvishungurudzi pfungwa
nemoyo kwemhuru uye mararamiro emombe. Nzira dzinotevera ndidzo dzakajairika
pakubvisa nyanga dzemombe.
Kudzivirira mhuru murimi anofanira kungwarira zvakanyanya kuti asaisa mushonga uyu
pedyo nemaziso emombe. Verenga zvinodiwa uye mashandisirwo emushonga uyu usati
waushandisa.
26
CHIKAMU 5
dzekubvisa nyanga nadzo. Kushandisa mushonga kwakanakira kuti mushonga hauburitsi
ropa.
Kushandisa simbi inopisa inzira inoshandiswa nevarimi vadiki vanoita zvekupfuya mombe
dzenyama. Musoro wesimbi iyi une buri kumberi iro rinopinda nyanga. Kushandiswa
kwesimbi iyi zvakanaka kunouraya kukura kwenyanga ichibva paganda. Nzira iyi
inonyanyoshanda zvakanaka kana mhuru dziine masvondo gumi nemaviri ekuberekwa.
Maitirwo azvo/Technique
27
CHIKAMU 5
● Ramba uchiita izvi kusvika kwekanguva kanoita maseconds gumi kana gumi
nemashanu. Usaramba wakaisa simbi iyi kwenguva yakareba panyanga.Kupisa
kwesimbi iyi kunogona kupinda nemumapfupa matete asati asimba zvogona
kukanganisa kana kuuraya uruzvi/uropi hwemombe.
● Danho iri tinoti rapera kana pane nyanga pava kubuda denderedzwa reruvara
rwecopper. Bukira renyanga rinogona kuzobva kana kusazoonekwa mushure
memasvondo mana kana matanhatu.
Mhuru dzinoda kutariswa mushure mekupiswa nyanga. Murimi anofanira kutarisa kana
pasiri kubuda ropa mushure memaminutes anoita makumi matatu kana makumi
matanhatu.Kana mhuru iri kubuda ropa unogona kumisa ropa iri kuburikidza nesimbi
inopisa. Kazhinji kacho maronda anopora kana pasina kushandiswa mishonga saka hapadi
kurapa nemushonga. Mushonga unodzinga nhunzi unonyanyo kurudzirwa
kushandiswa.Mushure memazuva gumi kana gumi nemana nyanga dzapiswa tarisa kana
pasina zvinoratidza kuti zvakanganisika zvakaita sezvirwere worapa kana zvakakodzera
kurapiwa.Unogona kutsvaka rubatsiro kana paine mhuru dzine kurwadziwa kana kukuvara
zvakanyanaya.
Hurukuro
Doma zvakanakira nezvakaipira nzira dzakasiyana siyana dzekubvisa nyanga
npamombe dzenyama
Zvakakosha kuziva kuti mhuru dzingarumurwa riini uye nenzira ipi tichitarisa
machengeterwo anoitwa mombe dzenyama. Chikonzero chinoitirwa izvi ndizvo zvinoburitsa
uremu hwemhuru painorumurwa uye kuti amai vacho vanoyamwisa vanenge vakaita sei.
28
CHIKAMU 5
nerimwe nekupa mhou idzi nguva yekusimba muviri kana ichinge yarumura. Mhuru
dzinowanza kurumurwa kana dzasvika mwedzi inoita minomwe kana misere 7-8mths. Usati
watora danho rekurumura iri unofanira kutarisa chimiro chemhou kuti haizoshushikani
ikazotadza kuiitazve vana mugore rinenge richiteevera. Munguva yakunenge kuine nzara
kusina kudya kwemombe kwakakwana, mhuru dzinofanirwa kurumurwa nekukasika dziine
mwedzi mitanhatu yekuzvarwa 6 months kupa mukana kuti mhou isimbe mwaka wokuti
ibereke usati wasvika. Zvakakosha kuti mhou isimbe uye nyama dzezamu dzinofanira kuva
dzinenge dzasimba uye kudzokedzana imwe mhuru isati yazvarwa. Munzvimbo zhinji mhuru
dzinozvarwa mumwedzi waGunyana kusvika muna Gumiguru dzinorumurwa muna
Chivabvu dzava nemwedzi minomwe kana misere 7-8 moths. Dzinozvarwa muna Mbudzi
–Zvita dzinogona kuzorumurwa muna Chikumi kana muna Chikunguru June or July. Danho
rekurumura mhuru rinogona kuita mazuva manomwe 7 days.
Kupa mombe mushonga uye kubaya zvinoitwa kumombe diki nehombe kudzivirira
kuzvirwere nezvinokuvadza mombe. Zvirongwa zvekubaya mombe nekupa mombe
mushonga zvinofanira kuitwa vanhu vakabatana nevanhu vezveutano hwemombe ve
veterinary munharaunda. Zvakakoshera chirongwa ichi uye muripo unodiwa kuita
zvirongwa izvi, nguva yazvingaitwa ndezvimwe zvezvinhu zvinofanira kuva zvinotariswa
mukuita danho rekubaya nekupa mombe mishonga.
29
CHIKAMU 5
Kufirita (Spraying)
Iyi inzira inoitwa nevarimi vadiki muZimbabwe vane mombe shoma dzinogona kuita gumi.
Zvino sanganisira kushandisa chigubhu (knap sack sprayer) chekufiritisa kupomba
mushonga uchienda paganda remombe. Pombi ine simba kana kuti inomwaya mushonga
zvine simba yakanakira kuti mushonga unokwanisa kupinda wose muganda apo panenge
pakabatira zvikwekwe. Kufirita hakugoni kuti mushonga usvikire kunhengo dzese dzemuviri
wemombe dzakwahwanda saka dzimwe nzira dzakaita sekushandisa mafuta ezvikwekwe
(tick grease) muzasi menzvimbo dzisingasvikirwi nemushonga wekufirita dzakaita
sepazasi pedumbu, muzvidya, muhapwa kana pazasi pemuswe.
30
CHIKAMU 5
Zvinofanira kuitwa nekutevedzwa pakudhibhisa mombe
31
CHIKAMU 5
Utariri hwemafuro hwakakwana uye kubvisa makonye anokonzera nyongororo ndidzo nzira
mbiri dzinoshandiswa kudzivirira tumbuyu utwu internal parasites. Utariri hwakakwana
hunogona kuderedza zvinokonzera zvirwere mumombe. Nzira dzekuchengetedza mafuro
zvakanaka dzinoderedza huwandu hwemalarva dzinosanganisira zvinotevera:
Hurukuro mumapoka
● Ndechipi chakavanzika chiri pakudzora nekurwisa tumbuyu tunokonzera zvirwere
mumombe dzenyama?
● Ndetupi tumbuyu twakakosha tunowanikwa muZimbabwe?
33
CHIKAMU 6
Kuchengetwa Kwakanaka kweMatsiru
Donzvo rechidzidzo
Panopera chikamu chino vadzidzi vanofanira:
● Kunzwisisa kukosha kwekuva neurongwa nenzira dzekutsiva
(replacement) matsiru nemamwe pakupfuya mombe;
● Kunzwisisa zvakakoshera kuva nehurongwa hwekusarudza
matsiru;
● Kunzwisisa zviga zvekuva neuwandu hwemombe hwakanaka;
● Kunzwisisa kuva neongororo yemafambiro nemaberekero emombe
dzako semurimi.
Hurukuro mumapoka
● Usati waenderera mberi ivai nehurukuro pamusoro penzira
dzakajairika dzekutsiva (replacement) matsiru pakuchengeta
mombe dzenyama.
● Doma nekunyora pasi zvimwe zvezvinobata nyaya yeutariri
hwekutsiviwa matsiru.
● Ronga pfungwa dzawapa pamusoro nekukosha kwadzo uchipa
zvikonzero.
● Ndeapi matuso kana njodzi ingavepo pakuchengeta mombe
dzenyama usingashandisi nzira yekutsiva matsiru (replacement)?
6.1 Nhanganyaya
Kuva nematsiru uye kupfuya matsiru emhando yepamusoro nekumatsiviwa ndechimwe
chizvinhu zvakakosha senzira yekudyara nekuvandudza upfumi chinodiwa nekutariswa
pakuchengeta mombe dzenyama. Kutsiva matsiru ndechimwe chechikamu chekuvandudza
mhando dzemhou dzaungada kupfuya mune ramangwana. Murimi ane tariro yekuti tsiru
rinenge ratsiva nekuvandudzwa rinozova mhou inobereka mhuru pagore rimwe nerimwe
kwenguva yakareba. Matanho akawanda eutariri uye sarudzo anofanira kuitwa
mukusarudza nekutsiva matsiru. Nokuda kwaizvozvi, kutsiva matsiru kunofanira kugwaza
kuita kuti matsiru awa arambe ari muboka remombe.Kusarudza panguva yekurumura
kusvika pakuvuchika/ kupfuya uye kusvika pakunobereka mhuru ndemamwe matanho
anofanira kuitwa pakutarisa matsiru aya.Matsiru asingagoni kuti murimi abate donzo kana
kugwaza anofanira kubviswa chero padanho raanenge ava mukuchengeta mombe dzenyama.
Donzvo nechinangwa mukuchengeta matsiru aya chinofanira kuva chekuva nematsiru ane
zvinotevera:
● Anofanira kuva abva zera kubva pamwedzi gumi nemisere kana makore matatu;
● Anofanira kuva nechikamu chikuru kubva muzana chekukasika kubereka pamwaka
wega wega wekupfuya mombe;
● Matsiru awa anofanira kuva ane muviri mukuru kuitira pakubereka mhuru pasava
nematambudziko;
● Anofanira kuva anobereka zvakare nenguva yakakodzera;
● Anofanira kuva anokudza mhuru kubva pakuberekwa kusiya yarumurwa.
Kusarudza matsiru akakodzera, nekumakudza zvakanaka uye kuita kuti dzibate mazamu
34
CHIKAMU 6
nekubereka nekukasika mumwaka wekutanga wekupfuya mombe zvine pundutso nemari
kumurimi yakakura
Kuti varimi vaburitse pachena nzira huru yakakosha papurazi rimwe nerimwe, varimi
veminda vadiki ava vanopfuya mombe dzenyama vanofanira kuva neurongwa
hwekuvandudza mari uye kuronga utariri panzira yavangasarudza yakakodzera.
Matsiru madiki ari kukura anoda utariri hwakakwana kudarika mhou dzabva zera.Simba
neuwandu hwevanhu vanodiwa kurera matsiru aya rakawanda uye zvinofanira kutariswa
pakuita, sarudzo inoda mari. Kuti murimi asvike padanho rinotarisirwa mukuchengeta
matsiru aya, matsiru anofanirwa kutsaurwa muboka redzimwe mombe otariswa pawo ega.
Utariri hwakanyanya hwematsiru hunotanga paanenge arumurwa. Mazuva ekutanga gumi
nemana kusvika pamakumi maviri nerimwe mushure mekurumurwa anoda unyanzvi
pakutarisa nekurera uye zvinoda nguva nekuzvipira nokuda kwenjodzi yezvirwere
zvinowanikwa kana matsiru arumurwa.Matsiru zvakare anodawo kutariswa kuitira kuti
murimi aone kana matsiru abve zera kuti auchike ava nemwedzi gumi nemisere kana mwedzi
makumi maviri nemina.
Nokuda kwekuti kudya kunoda matsiru awa kunosiyana siyana, mafuro anodawo
35
CHIKAMU 6
Sarudzo yekuti murimi atenge matsiru kana kupfuya pachake inosanganisira zvakawanda.
Izvi zvinosanganisira mari inodiwa pakudzichengeta, mari ichabereka, vashandi vanodiwa,
midziyo yekushandisa mitero, mari dzekutsiva, handira dzinodiwa. Mari inodiwa pakupfuya
matsiru aya kubva pakurumura inosiyana siyana zvichienderana nehuvepo hwezvinhu
zvekushandisa. Sekutsanangurwa kwazvamboita kumashure murimi anofanira kuva neidi
kuona makuriro emombe dzake, mafuro, utariri nemari dzinodiwa kupa mombe idzi zvinova
chimwe chikamu chemari dzinodiwa kupfuya matsiru. Murimi wega wega anofanira kuva
neurongwa hwemafambiro emari budget hunoburitsa hurongwa hwega hwega
hwekuchengeta matsiru. Mukugadzira urongwa hwemari uhu murimi anofanira kuisawo
mutengo unoenderana newepamusika wematsiru aya sezvimwe zvezvinhu zvaanenge
asarudza kusiya.Anofanira kuisawo mari ichadiwa kuripa vashandi iyo inova inosiiwa
nevarimi vazhinji mukuongorora mari dzinoshandiswa kupfuya matsiru. Kuti murimi aite
sarudzo dzakangwara unogona kuwedzerawo imwe mari ingangodiwa zvichiendera
nemamiriro ezvinhu papurazi.
36
CHIKAMU 6
Zvinofungidzirwa:
Utano hwemombe
● Kutenga mombe dzine magwaro anoratidza utano hwemombe uye dzinobva kuvarimi
vanoita zvakanaka. Murimi anogona kubatsirwa pakuona utano hwemombe idzi nachiremba
wemombe hunotariswa kana murimi achitenga matsiru.
● Tsaurai mombe dzinenge dzichangotengwa kubva kuboka ragara riripo kwemazuva
anogona kuita gumi kana makumi maviri nerimwe.
● Varimi vanofanirwa kuramba vachiita urongwa hwekupa mombe mishonga inodzivirira
kubva kuzvirwere.
37
CHIKAMU 6
Kuvandudza mhou
Murimi anogona kutarisawo zviri muropa, maitiro kana ruvara pakusarudza matsiru.
Chinhu chakanakira kupfuya mhou dzekutsiva idzi ndechekuti mukana wekusarudza
matsiru paano zvarwa mushure memazuva makumi matanhatu pamwaka dzinenge
dzakasimba pakurumurwa. Matsiru aya anenge ane uremu hunodiwa padzinenge dzasvika
zera rekudzingwa.Matsiru aya kazhinji anobva kumhou dzinenge dzazvara kutanga
kwemwaka.
Kupfuya nekurera matsiru ekutsiva awa zvinopa murimi mukana wekubvisa dziya dzisiri
kumupa pundutso pakuchengeta. Izvi hazvirevi kuti kutenga matsiru kubva kune vamwe
haisi sarudzo yakanaka pakutsaura nekusarudza matsiru ekutenga kana mutengesi ane
magwaro akakwana anopa umbowo hweutano hwematsiru acho. Panogona kuvawo
nekumwe kunogona kubva matsiru nemhou zvekutsiva pachinyanyotariswa masarudziro
nematsauriro kuti murimi abude nematsiru emhando yepamusoro.
38
CHIKAMU 6
maanenge achigara osarudzawo handira inoenderana nemhou yake kuti pagozvarwa mhuru
inokodzera kutengeswa pamusika unenge uripo.
Imwe nzira kuramba muchishandisa kuuchika senzira yekusimudzira nyama uye mhuru
dzakanaka dzinotengeseka nekutsiva idzo dzinenge dzakafanana nemadzimai adzo.
Mukupeta chikamu chino varimi vanofanira kunzwisisa kuti sarudzo dzekutsiva mhou
dzinotora rupandi rwakakura mukusimudzira goho nemari yavanowana munguva inotevera
saka zvinofanira kuitwa neunyanzvi. Varimi vanofanira kutarisawo kuvandudzwa
kweupfumi uye utariri hwakanaka pakusarudza nekutenga mhou dzekutsivia.Murimi
anofanira kuita sarudzo akazambira pamamimriro uye zvinangwa zvepapurazi pake.
Hurukuro mumapoka
Chikonzero ndechei kuva nenzira yekutsiva matsiru nemhou?
● Ndzevipi zvaunotarisa pakurera matsiru ekutsiva? Ipa zvikonzero.
● Ndeipi nzira yaunoona yakanaka yekuvandudza nekuuchika mombe kuvarimi vadiki
munyika yeZimbabwe? Kurukurai muchipa zvikonzero?
39
CHIKAMU 7
CHIKAMU 7
Donzvo rechidzidzo
Mukupera kwechikamu chino vadzidzi vanofanirwa kuita zvinotevera:
● kunzwisisa mapirwo anoitwa mombe zvekudya;
● Kunzwisisa kudya kwakakwana kunodiwa nemombe dzenyama;
● Kukoerana ruzivo nezvavanoziva paupenyu pamapirwo anoitwa
mombe kudya nevarimi vadiki;
● Kunzwisisa kukosha kwekuwedzera chikafu kumombe dzenyama;
● Kunzwisisa kudya kunovaka muviri kunogona kubatsira kana
kukanganisa mombe pakukura;
● Goveranai ruzivo pamusoro pechikafu chiripo chekupa mombe
dzenyama.
Zvokuita
Usati waenda mberi kurukura pamusoro penzira dzekupa mombe
nadzo zvekudya uye kuti zvakakosherei kupa mombe idzi kudya kuti
dziburitse goho rakanaka uye kuti mombe dzinoita sei kana dzichipiwa
kudya uku. Doma zvezvimwe zvezvinhu zvinoitwa nemombe idzi.
● Zvii zvinodiwa pakupa mombe dzenyama chikafu
● Zvakakosherei uye ndeupi mutengo uye zvakanakira mombe dzine
utano
7.1 Nhanganyaya
Chimwe chezvimhingamupini pakusimudzira hutariri hwemombe dzenyama nekupfuya
inyaya yekupa chikafu chakakwana zvikuru sei kuvarimi vadiki. Izvi zvinonyanyokonzerwa
nemuripo wakakura uye mari yakawanda inodiwa pakutenga chikafu chemombe diki
nehombe.Mutengo wepasi unopiwa varimi pakutengesa mombe dzavo zvinoisa varimi
vazhinji panyanga dzamushore kuti voenderera mberi here kurima mombe dzenyama kana
kurega.
Nerumwe rutivi, kushaikwa kweruzivo kuti mombe dzinodya sei chikafu uye kuti dzinoita sei
kana dziri mumafuro uye mumatanga nderimwe redambudziko.Muchikamu chino vanhu
vanotora rupandi mukudzidza vachawana mukana kuti vaone matambudziko anosangana
nevarimi mukupfuya mombe dzenyama. Chikamu chino chinobatsira kuti tikwanise
kuongorora nekugadzirisa zvimwe zvekudya kwakakwana kunoshaikwa muuswa kana
mafuro emombe. Mafuro awa anofanirawo kuvawo neuswa hunenge hwakaoma hwakasimba
senzira inowedzera utano kumombe.
40
CHIKAMU 7
Mombe dzikapiwa mukana wekufura munharaunda yakakura dzinofura dzichisarudza uswa
hwakanaka hunopa utano dzichisiya uswa husingadyiki. Mombe dzinoita izvi kubatsira
makonye anobatsira pakuzeya. Mombe dzenyama dzinogona kufura kwenguva ingangoita
maawa masere kana gumi nemaviri pazuva rimwechete dzisati dzazorora/ kuvata dzichizeya.
Uswa hwadzinenge dzafura hwakaita mapundu makuru hunenge huri mudumbu (rumen)
hunodzorwa mumuromo hozeewa huchiwedzerwa mate.
Uswa uhu hunotsengwa kusvika hwava udiki mombe yozomedza kuti makonye emudumbu
azopedzisa kuzeya chikafu ichi. Danho rekuzeya iri rinoda simba rakawanda kumombe
dzenyama uye makonye netumbuyu tunobatsira kuzeya.Mombe dzenyama zvinoda kuti
dzive nesimba mukuzeya sora iri. Izvi ndizvo zvinosunda mombe kuti dzisarudze kudya
kunopa simba kwakaita sechibage, uswa unyoro. Kupawo kana kuwedzera kudya mumombe
kunosanganisira manyuchi kunova kudya kunopa simba zvikuru kana mombe dzichidya
kana kufura munzvimbo dzine uswa ushoma zvikuru munguva yekusanaya kwemvura
munyika yeZimbabwe. Munguva iyi uswa nemafuro anenge akaoma zvapiswa nezuva uye
uswa uhu hunenge husina zvinovaka muviri zvakakwana.
Mushure mekutarisa zviri pamusoro apo kudya kwezuva nezuva kunogona kugadzirwa kuti
ukwanise kusimudzira mhou dzako. Zvakakoshawo kupa mombe chikafu chine kudya
kunovaka muviri kwakakwana.Makambani anogadzira zvekudya zvemombe vakagadzirawo
zvimwe zvezvinovaka muviri yemombe izvo zvinenge zvisingawanikwi muuswa kana muvhu.
Tsvaka ruzivo pamusoro woita sarudzo yekutsvaka chikafu chinovaka muviri wemombe
dzako.
Table 8 : Zvibodzwa zvinoratidzwa pakupa mombe chikafu
Score 6: Mombe yakakoresa nemafuta
Mombe inenge yakakora ine mafuta akawanda, uye kuzvidya kwayo
kunenge kwakaenzana, uye muviri wayo unenge wakaurungana nokuda
kwemafuta akawanda pairi. Mutsipa wayo unenge uri mupfupi uye
wakasimba nekufara.
Kana mhou yako isati yabereka ichiratidza zvibodzwa zviri pamufananidzo wechina 4 Ideal
uchiziva kuti mhou dzako zhinji dzinotanga kubereka mumazuva makumi matanhatu
kusvika makumi mapfumbamwe 60-90 days, mafuro ako akakwana uye asvika pekuti
achidyiwa. Rangarira kuti kudya kwakapamhidzirwa (supplementary) kushoma kunenge
kuchidiwa pamombe yega yega nokuda kwezvinotevera:
Mhou ine zamu inogona kutakura mhuru mudumbu mayo kwemazuva anoita iwo mazana
maviri nemakumi masere kusvika kumazana maviri nemakumi mapfumbamwe 280-
290days. Nguva yakakosha mhou painenge yakazvitakura mazuva anoita makumi
matanhatu kusvika makumi mapfumbamwe 60-90days isati yabereka uye mushure
mekubereka, uye painotanga kuti chikafu chinofamba kubva kumhou chichienda kumhuru
iri mudumbu kuti igone kuumbika nekukura pamwechete. Mumazuva makumi matanhatu
kusvika makumi mapfumbamwe 60-90 days isati yabereka, kudya kunodiwa kunovaka
muviri uye kunopa simba kunotanga kuwedzera kudiwa nemhou kana ichinge yabata zamu.
Kune kukura kwakanyanya kunoita mhuru mudumbu remhou, sezvo chikamu makumi
matanhatu neshanu kusvika makumi manomwe neshanu 65%-75% kubva muzana chiri icho
chinomirira kukura kwemhuru mudumbu mumazuva anoita makumi matanhatu kusvika
makumi mapfumbamwe mombe isati yabereka.
Mushure mekubereka, mhou dzinoda kudya kunovaka muviri kunopa simba nekudzivirira
kuzvirwere kunoramba kuchiwedzera chikonzero zvichidaro ndechekuti mukaka
unowedzera kubuda unoda kudya kunovaka muviri sezvinotevera protein by 70%, energy by
15% and phosphorus by 70%. Kana kudya kunodiwa kuti mukaka uwande kukasapiwa
kumhou zvinoita kuti mhuru dzisakura dzichitora ruvara rwamadzimai adzo uye kushaya
uremu.Nemamwe manzwi uremu hwemhuru painorumurwa hunenge hwakadzikira. Mhou
inobva yatanga kugadzira muviri kuti izokwanisa kubereka zvakare pamazuva makumi mana
kusvika makumi masere nerimwe mushure mekubereka.
43
CHIKAMU 7
Mhou ine muviri wakasimba une utano inokasika kuda kusangana nehandirane mazuva
anoita gumi nemasere kana makumi maviri nenomwe 18-27 days uye yokasika kubereka
nechikamu gumi kana makumi maviri kubva muzana tichienzanisa nemhou dzine muviri
isina kuita zvakanaka.kuti murimi aone utano nemamiriro emuviri wemhou yake
anoshandisa inonzi body appearance point scoring pachirungu. Iyi inzira iri nyore uye
yakanaka kuti aone kudya kunodiwa nemhou uye kana kuri kupiwa zvakakwana mushure
mekunge yabereka.
Ongororo yakazara yemhou inobata zvibodzwa zvitanhatu. Muviri wemhou une zvibodzwa
zvina ndiwo unokurudzirwa uye unodikamwa kuvarimi. Chimiro chemuviri chinopawo
mukana kumirimi wekuti azadzise zvinangwa zvake zvekuwana mukaka wakakodzera uye
kuti mhou ikasike kuda handira.
Mafuro ndiro dura remurimi mudiki wemombe dzenyama. Mombe dzinogona kurarama
nekudya zvimwe zvisiri uswa. Neimwewo pfungwa kusiyana kwechikafu ichi nekuda
kwekusiyana kwemamiriro ekunze nekunaya kwemvura neivhu zvinokonzera kuti mafuro
awa ashaye kudya kunovaka muviri. Donzvo guru remurimi kusimudzira mafuro aya kuti
awanikwe papurazi pemurimi. Uswa kana mafuro ndiwo anoumba chikamu makumi masere
kubva muzana kana chikamu zana 80-100% chechikafu chinodyiwa nemombe dzemurimi
zvichienderana nemhando uye uwandu hwemafuro aya. Kunzwisisa zvakadzama mafuro
emombe dzako nemakuriro acho zvinobatsira kuti murimi azive kudya kunodiwa nemhou
dzisati dzabereka uye padzinobereka.
44
CHIKAMU 7
Kukura kweuswa nezvinovaka muviri muuswa
Mufananidzo wemombe ichidya uswa huri Mufananidzo wemombe iri kufura uswa
padanho nreTransitional hwaibva huri padanho reamature grass
Hurukuro mumapoka
Mukupeta chikamu chino, kurukurai zvinotevera
● Zvinorevei kuti kudiwa kwechikafu mumombe dzenyama
● Unoona zvakakosha here kuwedzera chikafu chine zvinovaka muviri mumombe
dzenyama?
● Nderipi zera remombe rinoda kuwedzerwa kudya uku uye sei zvichidaro?
● Ndeapi matambudziko anowanikwa pakuda kupa mombe idzi chikafu?
45
CHIKAMU 8
CHIKAMU 8
Donzvo rechidzidzo
Mukupera kwechikamu chino vadzidzi vanofanirwa kugona kuita
zvinotevera:
● Kunzwisisa ukama huri pakati petumbuyu tunobatsira mombe
kuzeya chikafu mudumbu (rumen organisims) uye chikafu chacho
digestible feed;
● Kuburitsa pachena kudya kwemombe kunopiwa
mombe dzenyama;
● Kutsanangura zvakakoshera kupa mombe chikafu
chakapamhidzirwa (supplementary feeding) kumombe dzenyama;
● Kunzwisisa zvinokonzera kushomeka uye kuderera kwehuwandu
hwemombe dzinozvarwa uye zvinotadzisa kuti dziwande;
● Kuziva mucherechedzo unoonekwa nekuda kwekushaikwa
kwekudya kwakakwana mumombe dzenyama;
● Kuziva makudziro aungaita mombe dzine utano papurazi
kuburikidza nekudzipa kudya kunovaka muviri kunosanganisira
mashizha.
Hurukuro mumapoka
8.1 Nhanganyaya
Mombe chipfuyo chakasiyana nezvimwe zvipfuwo pakuti dzinogona kutora uye kushandisa
kudya kunobatsira pakuzeya kwakaita seroughages or fibre uko kunovaka muviri.Mombe
dzine tumbuyu microorganisms tunogara mudumbu remombe rinonzi rumen muchirungu.
Tumbuyu utwu tunobatsira pakuzeya uswa nemashanga kana zvadyiwa nemombe kuti
zvikwanisike kushandiswa nemuviri. Nekudaro donzvo guru kupa mombe chikafu
chinobatsira tumbuyu utwu kugaya chikafu kuti chive chinogadzirwa kuzoti muviri ukwanise
kuchishandisa.Dumbu remombe rerumen netumbuyu utwu ndizvo zvinoita mombe
dzisiyane nezvimwe zvipfuyo zvingachengetwa nemurimi.
Mombe dzenyama dzine mukana wakasiyana nedzimwe kunyange kudya kunovaka muviri
kukasawanikwa muchikafu. Tumbuyu twemudumbu tunogona kugadzira nekupa kudya
kunovaka muviri uku. Nitrogen inoramba ichipiwa nekuendeswa kubva muropa kuenda
kudumbu rekutanga remombe rumen uko inoshandiswa netumbuyu kugadzira kana
kupamhidzira MCP. Mombe dzinozeya dzinokwanisa kudzosa nekutenderedza nitrogen
zvinoita kuti mombe dzirarame dzichidya chikafu chisina kudya kunovaka muviri. Kupa
mombe kudya kwakakwana kunovaka muviri kunobatsira tumbuyu kugaya chikafu
mudumbu zvoita kuti mombe iwane zvakakosha zvinodiwa nemuviri. Tumbuyu utwu
tunoshandisa dietary fibre, protein, and/or nitrogen kugadzira zvekudya zvinopa simba
nekuvaka muviri kuti muviri ushandise. Kugadzira nekutevedza nharaunda yakanaka
mukugaiwa kwechikafu mudumbu zvinobatsira kuti murimi azadzise zvinangwa zvake
mukuchengeta mombe dzenyama.Tichitarisa ukama huripo pakati pemombe dzenyama
netumbuyu utwu, mombe dzinokwanisa kushandisa roughage yemhando yepasi inowanikwa
muvarimi vazhinji vadiki munyika yeZimbabwe kuti vakwanise kupfuya mombe dzinopa
nyama yakanaka. Kudya uku kunogona kuiswa mumipanda inotevera:
Concentrates: Uku kudya kunotengwa nemurimi kana kuvhenganiswa kuti zvive zvinovaka
muviri wemombe. Izvi zvinosanganisira:
●Kudya kwakavhenganiswa nehupfu hwechibage
● Kudya kwakavhenganiswa nesoya beans dzakagaiwa
● Masunflower akagaiwa (sunflower cake)
● Mhodzi dzedonje dzakagaiwa
Masese (Brewer's grains): Uku kudya kunowanikwa mushure mekubika doro uye varimi
vanowana kudya uku ndevane mukana wekuenda kumakambani anobika doro achishandisa
chibage. Zvinenge zvasara pakubikwa doro izvi zvinovhenganiswa nekumwe kudya kunovaka
muviri papurazi.
Kudya kunovaka muviri hakufaniri kudarikirwa pakupfuya mombe dzenyama. Kudya uku
kwakakosha zvekuti kungango enzaniswa neuswa, mvura uye mhepo izvo zvinodiwa
pakurarama kwemombe. Kudya uku kwakavandudzwa kunoita rupandi rwakakura
mumukura kwemombe uye zvinobatawo mapfupa emombe, kubuda kwemukaka, kugaya
chikafu mumuviri uye mashandiro anoita muviri wemombe. Kudy uku kukashaikwa
kunozopa dambudziko kumurimi munguva inotevera saka murimi anofanira
kungwarira.Wakambosangana nezvinotevera here mumombe dzako:
P Ca Mg K S Fe Cu Co I Zn Mn Se
Lower
concep onate
Decreasing calvingrates
Reduced milk
produc on
Lameness or s ffness
Reduced
wreaning \ weights
Smaller or \ weaker
calves
Pooroverall herd health
Retained placenta
Milkfever
Hurukuro mumapoka
● Ndechipi chikonzero chekuwedzera chikafu mumombe nguva yakunenge
kusinganayi?
● Chii chinokonzera kusabereka zvakanyanya kwehandira nemhou?
● Ndezvipi iwe zvaunoti zvakakosha pakugadzira chikafu chekupa mhou, nematsiru ane
mazamau uye handira munguva yakunenge kusiri kunaya?
● Ndezvipi zvinofanirwa kuchenjererwa nemurimi kana achipa mombe dzake kudya
kwakawanda zvibnhu zvinovaka muviri?
49
CHIKAMU 8
Rimwe redura rekudya kunovaka muviri mashizha emiti zvikuru sei kumiti inobereka
zvine mhodzi. Miti iyi inowanikwa pamiti yechivanhu neyechirungu ikokasika kukura
inosanganisira mipangara, mimvee, michecheni,Pigeon pea, Mulberry, Sesbania sesban,
Acacia angustissima, Calliandra calothyrsus, Gliricidia sepium, Albizia lebbeck and
Leucaena leucocephala. Muti unonzi muLeucaena leucocephala ndiwo uri pamberi
pakuita kuti mombe dzibude mukaka wakapamidzira nemalitre gumi nemana 14litres
pamhou imwe neimwe. Umwe muti unopa kudya kunovaka muviri muti weMoringa
oleifera, uyo unova wechirungu unokasika kukura. Imwewo miti haingopi kudya kunovaka
muviri chete asi inoberekawo mhodzi dzine kudya kunodiwa nezvipfuyo. Mienzaniso
yemiti iyi inosanganisira masekesa mipangara, mimvee, Piliostigma thorningii, Dicrostachys
cinerea, Amblygonocarpus andogensis, Faidherbia albida neAcacia.miti iyi haingopi zvinodiwa
mumuviri wemombe kuti dzive neutano asi inoberekawo mhodzi pakati pemwaka dzinogona
kudyiwa nezvipfuyo.
Pane nzira dzakakwanda idzo murimi anogona kusanganisa miti inodiwa nemombe
papurazi.
50
CHIKAMU 8
Kuchengetedza miti inowanikwa munharaundaProtect local trees
Basa rokuita
● Miti inowanikwa munharaunda mako yakakodzera here kudyiwa nemombe?
● Pane miti inodyiwa nemombe here yasara munharaunda mako? Ndeipi uye mhodzi
dzayo dzinoibva munguva ipi?
● Unogona here kudyara mhodzi dzacho?
● Ungadyara mhodzi idzi pai?
Nzira yekutanga iri nyore kuchengetedza miti iri munharaunda zvikuru sei iyo inobereka
mhodzi inenge iri kukura papurazi remurimi wemombe dzenyama.
Kudyara miti
Kana pasina miti iripo papurazi kana paine mishoma , murimi anogona kutsvaka mhodzi
odyara panzvimbo yekudyarira miti. Kana mhodzi dzichinge dzamera anobva adzidyara
kutanga kwemwaka wekunaya kwemvura. Murimi anogona kudyara miti iyi akasanganisa
nembeu pamakandiwa kana akakomberedza musha kana kuidyara yega mumunda.
Kana miti iyi ikadyarwa nembeswa, zvakajairika kudyara miti iyi mumitsetse yakafara
mamita matatu kana gumi 3-10m. Kuparadzaniswa kwemiti iyi kunofanira kuita
macentimetre makumi maviri nemashanu kana makumi mashanu 25cm-50cm. Unobva
wadyara mbeswa pakati pemiti iyi uchidziparadzanisa zvezvaunogara uchiita.
Murimi anogona kudyara miti iyi yakabatana yakaita fodder bank. Fodder bank zvinoreva
nzira yekuchengetedza kudya kwemombe kwenguva yaunoida iwe semurimi. Sekuchengetwa
kunoitwa mari mubhanga kusvika muridzi ava kuida, chikafu chemombe chinogona
kuchengetwa pamiti iyi. Nzvimbo kana munda wakakura mametre anoisanganisa makumi
mashanu kureba nekufara 50m by 50m inokwana mombe ina. Zvakakosha kudyara miti
yakavhengana ingaita mhando nhatu kana ina kuti chive chikafu chemombe dzako. Unodyara
miti iyi mumitsetse yakaparadzana macentimetre anoita makumim mashanu 50cm kunze
mukati memitsetse iyi woiparadzanisa macentimetre anoita 30cm – 40cm. chengetedza miti
iyi yaunenge wadyara.
51
CHIKAMU 8
Pane nzira mbiri dzinogona kushandiswa nemurimi unogona kushandisa imwechete kana
dzese nguva imwechete. Nzira yekutanga iri nyore kurega mombe dzako dzichidya mashizha
nemhodzi pamiti iyi zvikuru sei mhodzi dzinenge dzakawira pasi. Nzira iyi ndiyo yakafanira
kana miti yakaparadzana uye iri pese pese. Kana wakadyara miti iyi nenzira yekuita
mabhanga (fodder banks) unoshandisa nzira yekutema miti iyi mushure memasvondo
,mashoma kuti mombe dzidye mashizha aya achiri manyora kana kuti aoma. Iyi nzira
inodaidzwa kunzi kutema nekusenga (cut and carry). Unofanira kutema miti iyi mushure
mekunge yava negore kana kuti yareba mametre anoita rimwe kana maviri. Kana ukatema
miti iyi isati yakura zvinogona kuzopa dambudziko pakukura kwayo mangwana. Mushure
mekuitema kwekutanga, miti iyi inogona kuzotemwa mushure memasvondo masere kana
gumi nemaviri zvichienderana nemwaka uye makuriro ayo mushure mekutemwa. Murimi
anofanirwa kutema miti iyi yava nemacentimetre makumi mashanu kana makumi manomwe
50cm-70cm. Chikafu chekudyara ichi chinogona kuburitsa matonne matatu kana gumi kana
chaomeswa pahekita roga roga mugore rimwechete. Nguva yakakodzera yekutema kana
kufudzira mombe zvinosiyana siyana nenzvimbo. Nguva yakareba miti isimba kutemwa
inoburitsa chikafu chakawanda asi zvine dambudziko rekuzowanza matanda asingazodyiwi
nemombe. Munzvimbo dzakanaka, murimi anogona kukohwa munguva yakaita masvondo
matanhatu kana masere 6-8 weeks, asi munzvimbo dzisina kunaka anokohwa mushure
memasvondo gumi nemaviri. Mhodzi dzakawanda dzinopa utano kudarika chibage. Kupa
mombe chikafu chine mhodzi dzkakwanda zvinoita kuti dziwedzere kurema kwadzo.
Kushandisa chikafu chakavhenganiswa nemhodzi hazvidhure pane kutenga chikafu
chakadzirwa. Muenzaniso uri pazasi unoratidza kuti unovhenganisa sei kudya kwemombe
kune utano.
Chikafu chemombe chinemhodzi netsanga zvakavhenganiswa
Zvakashandiswa Chikero (Kg)
Mashanga echibage 250
Tsanga dzechibage 200
Tsanga dzemapfunde 200
Masunflower akagaiwa 1oo
Mhodzi dzemu Piliostigma thorningii 200
Mhodzi dzemuAcacia erioloba 50
Hurukuro mumapoka
Ungawana mhodzi dzinopa utano kumombe kubva kumiti ipi?
● Kubva kuruzivo rwaunarwo, ndekupi kudya kwakavhenganiswa kwaungapa mombe
uchishandisa zvaunorima papurazi pako?
● Kunyange zvazvo nzira yekukohwa chikafu chinopiwa mombe yekutema nekusenga
(cut and carry) ichida simba nevashandi vakawanda pane kurega mombe dzichidya
miti iyi dzega, pane zvakanakaira nzira yecut and carry iyi.
● Ndezvipi zvezvimwe zvakanakira nzira iyi?
52
CHIKAMU 9
Kuchengeta Mafuro eMombe muNzvimbo
Dzinorimwa neDzisingarimwi
Donzvo rechidzidzo
Mukupera kwechikamu chino vadzidzi vanofanira kuita zvinotevera:
● Kunzwisisa kukosha kwekuchengetedza nzvimbo
dzinochengeterwa mombe. (Understand the importance of
conserving the rangelands);
● Kuva neruzivo rwemafuro nezvirimwa zvinowanikwa
munharaunda yekuchengetera mombe.
● Kunzwisisa ukama huri pazvirimwa, ivhu uye zvipfuyo
zvinogaramo.
● Kunzwisisa nzira dzekuchengetedza mafuro nadzo kwemombe
dzenyama.
● Kuziva kusimudzira nekuvandudza uswa nezvirimwa
zvinowanikwa panochengeterwa mombe.
Hurukuro mumapoka
Usati waenda mberi, kurukurai pamusoro pekuti chii chinonzi
kuchengetedza nekuongorora nzvimbo dzinochengeterwa mombe
● Tsanangura kuti chii chinonzi nzvimbo yekupfuira mombe
isingarimwi (rangeland).
● Ndeupi mutsauko uri pakati pemafuro emombe nenzvimbo
inochengeterwa mombe isingarimwi (range land and
pastureland).
● Zvakakosherei kuva nemuzinda wekuchengetera mombe
kumurimi wemombe dzenyama.
● Doma uchinyora pasi mhando yemafuro anowanikwa pamuzinda
wekuchengetera mombe (rangeland).
9.1 Nhanganyaya
Rangeland inzwi rinoreva nzvimbo isingarimwi zvirimwa. Nzvimbo iyi haisanganisiri
panoitwa zvekucherwa zvicherwa, uye pane midhuri nemigwagwa yemotokari. Nzvimbo iyi
inogona kuva sango rakasvibira rine miti neuswa hwakawanda , gwenga kanawo nzvimbo
yakazara matombo. Rangeland inosanganisira nzvimbo dzine uswa hwakawanda, makwenzi
netumiti tudiki uye nzvimbo dzine miti yakaparadzana. Nzizi, tunyanza tudiki, makoronga
nehova dzemvura ndizvo zvinovaka nzvimbo iyi. Nzvimbo dzinorimwa zvirimwa dzine uswa
uye miti nezvimwe zvekugadzira kudya kwemombe dzinodaindzwa kunzi pastureland.
Pastureland nerangeland zvinoda kufanana pane zvakawanda asi zvinosiyana benzi pakuti
pastureland inorimwa uye kutariwa nenzira dzinoshandiswa mukurima. Izvi zvinosiya a
nerangeland hairimwi uye haina anoitarira nekuti zvinongozviita zvega ecological practices
inotarirwa kuburikidza nekuzviita zvoga.
53
CHIKAMU 9
Mombe dzenyama dzinochengetwa nevarimi vadiki uye makonzo nembeva zvine kuzeya
kwakada kufana uko kunozvipa mukana wekuzeya nekugaya kudya kwakaomarara
kunowanikwa munzvimbo dzisingarimwi idzi. Mhuka dzakaita semakonzo, nembeva, mbira
netsuro zvine mudumbu munokwanisa kuti dzidye kunopa simba kwakaita sesora uye
zvimwe zvinobva kumiti. Zvinhu zvakaita seshiri nehuku dzechivanhu dzinoda kudya
kwekunonga nemuromo kwakaita setsanga izvo zvinoita kuti dziwanewo uku kubva
mumichero yemusango, nhodzi uye midzi.
Hurukuro mumapoka
● Sei mvura yakakosha mukutarisa nzvimbo dzisingarimwi idzi?
● Munharaunda mako mune rombo rakanaka sei pamukana wekuwana mvura
54 pakutarisa nekuchengetedza nzvimbo dzisingarimwi idzi?
CHIKAMU 9
Munzvimbo dzese dziri kumaodzanyemba kweAfrica, Zimbabwe ine mvura yakawanda
kubva munzizi, nyanza, nzvimbo nyoro dzakaungana mvura uye pasi. Nokuda kwekuti
nzvimbo dzisingarimwi idzi dzinowanikwa kumaodzanyemba kweAfrica uku, mvura
yakakosha nechikamu makumi masere kubva muzana (80%) kuvagari vemuZambia
vanogara munharaunda iyi. Mvura zhinji iri munzizi nemuhova dzemuZambia inopinda
munzvimbo dzisingarimwi nemasango. Mekudaro utariri hwakakwana uye hwakakodzera
hunodiwa pakutarira huwandu uye mhando yemvura inenge ichiyerera munzvimbo idzi.
Uswa:
Uswa hunosanganisira zvese zvine mashizha matete akareba uye hunde dzine tumaburi
tudiki. Uswa hauite mashizha ane maruva uye hunoita mhodzi dzakaita tsanga.
Forbs:
Iyi ndeimwe mhando yeuswa isina matanda kana tsotso uye tumiti tune mashizha makuru
uye tunoita maruva akanaka. Tumiti tuzhinji tune maruva twemusango uye mauswa
emusango tunodaidzwa kunzi maforbs.
Makwenzi:
Iyi miti midiki yakaita makwenzi ine mashizha makuru. Makwenzi aya akasiyana nemiti
pakuti haana hunde huru, asi kuti makwenzi aya ane tuhunde twakawanda wanda.
Zvinogonekawo kuti unoita mubatanidzwa wemuti negwenzi asi kazhinji makwenzi haakuri
kuita miti.
Browse
Izvi zvinosanganisira pamusoro pemakwenzi panodyiwa nemombe uye mhuka dzakasiyana
siyana.
Mast
Izvi zvinobata mhodzi dzichamora uye michero yemusango zvinobva pamakwenzi izvo
zvakakoshera mhuka dzemusango neshiri. (Is the term for the seeds and wild fruits that
shrubs produce and is especially important for wildlife and scavenging village chickens).
56
CHIKAMU 9
mvura yadirwa uye matangi ake akazara. Rangarira kuti muvarimi vadiki vemombe, mombe
dzinouya kuzomwa dzakabatana seboka kwete imwe imwe.
Mamiriro euswa hunodyiwa nemombe - kuwanda kwemiti neuswa zvinoita kuti kudya
kwemombe kuvepo tichitarisa uremu kuti zvakawanda sei? Izvi zvakaratidzwa pazasi:
Site has 76%-100% by weight of desirable forage plants for beef cattle 40 40 40
Site has 51%-75% by weight of desirable forage plants for beef cattle. 30 30 30
Site has 26%-50% by weight of desirable forage plants for beef cattle. 20 20 20
Site has 0%-25% by weight of desirable forage plants for beef cattle.
57
CHIKAMU 9
Donzvo guru renzira iyi nderekupa mombe dzenyama mukana kuuswa hwadzinodya uye
kupa nguva yakakwana kuuswa kuti huite zvaakanaka. Izvi zvinogoneka kuburikidza nekupa
mombe dzenyama uswa hwakakwana kwenguva yakatarwa yekufura dzobviswa dzoendeswa
kune mumwe munda. Kukura kwehuswa kunokurumidza kana kuchinjwa uku kukaitwa
nekukasika. Zvidzidzo zvekurima zvinoburitsa pachena kuti uswa hunotora nguva inoita
mazuva mashanu kana masere kuti hukure mushure mekuchekwa, saka mombe
dzinofanirwa kuchengetwa kwemazuva anoita mashanu dzichifura kuitira kuti uswa
husadzurwa nemidzi izvo zvinokanganisa mafuro. Nzira yakanaka yekuchinjanisa mafuro
aya kupa mombe dzenyama mukana wekudya uswa. Nguva yekufura iyi ikadarika mazuva
ataurwa izvi zvinokanganisa mombe pamwe neuswa. Funga nekuona mafuro ako sedura
rekudya kwemombe dzako. Unofunga here kuti ungatarisira kuti mombe dzako dziite
zvakanaka kana dura raiiswa uswa mushure memazuva mana kana mashanu. Uswa unyoro
hunokurudzira kudya kwakanaka zvinorevawo kuita kwemombe zvakanaka.
58
CHIKAMU 9
Uwandu hweminda yemafuro anodiwa
● Tarisa zvikuru sei mwaka wegore kana uswa hwakura munzvimbo mako. Izvi zvinoita
kuti uone kuti mizinda yako inogona kufurwa nemombe imwe.
● Kusimba kweivhu munharaunda mako zvinokosha sezvo zvichiita kuti uswa hukasike
kukura.
● Tora mukana wenzvimbo nyoro dzine mvura munguva yekupisa kuti uone kuvepo
kwekuenzana kwenzvimbo nyoro pakati kudyara muriwo uye mafuro emombe.
● Tarisa zvakare muripo nemutengo wekupa mombe idzi chikafu uchienzanisa nekuita
urongwa wekushandisa rotational grazing.
59
CHIKAMU 9
Iyi inzvimbo inenge yakatsva nemoto ine miti neuswa hwerudzi rwe hyparrenhia species (tall
and erect grass), Heteropogon contotus and pyramidalis (short but erect grass), urochloa
pullulans(semi-prostrate), cynodon dactylon. Uswa uhu hune nguva yahunoda kukura
mumwedzi waZvita naNdira, hunoita maruva muna Kukadzi naKurume zvichienderana
nenzvimbo. Izvi zvinobva zvateverwa nenguva diki yekukura nekubuka kwesora muuswa
hukuru uye humwe uswa hwakaita secynondon dactylon munguva yekupisa. Uswa uhu ndiho
hune kudya kunodiwa nemuviri hunokura munharaunda iyi, kudya uku kunobata chikamu
chisere kana gumi kubva muzana 8-10% chezvinovaka muviri mumwedzi waZvita naNdira.
Uswa uhu hunozodzikira zvinovaka muviri pahunenge hwakura hwaoma muna Kukadzi
naKurume.
Kuvarimi vadiki kuti vashandise nzvimbo idzi panofanira kuva nenguva dzekufudza
nekuzorodza mafuro awa. Mombe ina kana gumi dzinofanira kufura pahekita imwe yoga
yoga. Mafuro awa anofanirwa kuzorodzwa mazuva makumi matattu kana mashanu muna
Zvita naNdira. Munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda neiri pakati nepakati mafuro awa
anogona kuzorodzwa kwemasvondo mana kana matanhatu.
60
CHIKAMU 9
Kusosa kana kukomberedza mafuro:
Kukomberedza mafuro newaya kana neminzwa kunochengetedza mafuro sezvo zvichipa
uswa nguva yekukura. Uwandu humombe hunogona kuwedzerwa kana kuderedzwa kuti
murimi azadzise zvinangwa zvake mukutarira nekupfuya mombe. Uswa nezvinodyiwa
nemombe zvinofanirwa kusarudzwa neungwaru nokuti mombe dzinoda kudya zvakasiyana
siyana. Muenzaniso ndewekuti, mombe dzinoda kudya uswa asi mbudzi dzinoda makwenzi,
hwai dzinodya zvakavhengana uswa mashizha nezvimwe zvakadaro. Zvinodyiwa nezvipfuyo
izvi zvinosiyana zvichienderana nepazvinokurira kana kudyirwa nezvipfuyo nemamiriro
enzvimbo. Muenzaniso hwai dzinogona kufura pamakomo asi mombe hadzigoni kudaro.
Kupisa uswa:
Moto ndechimwe chezvinhu chinogona kunyuka mumamasango nemagariro emhuka.
Munzvimbo dzinochengetwa moto unogona kushandiswa kupisa uswa nenzira
dzinotenderwa. Mumatunhu ekumaodzanyemba varimi vanoshandisa moto kuderedz
adambudziko retsine uye mafeso zvichiita kuti uswa hugozokura zvakanaka pakunaya
kwemvura. Kuwanda kweuswa husingadyiwe nemombe idambudzikjo munzvimbo dzine
mafuro emombe. Vanochengeta nzvimbo idzi vanoshandisa moto, mishonga kubviswa sora
ravasingadi kuti uswa hwakanaka hukure.
Hurukuro mumapoka
● Unoda mizinda (paddocks) mingani inofurira mombe dzako dzenyama?
● Ndezvipi zvaunotarisa pakushandisa urongwa hwerotational grazing?
● Ungada here kuita mubatanidzwa wemafuro akakomberedzwa newaya nevavakidzani
vako senzira yekuwedzera mafuro munzvimbo dzisina mafuro akawanda?
● Ndezvipi zvaungatarisa usati waita mubatanidzwa uyu?
61
CHIKAMU 10
CHIKAMU 10
Utano hweMombe
Donzo rechidzidzo
● Kunzwisisa zvakanakira kuva nezvirongwa zvekuchengetedza
hutano hwemombe.
● Kunzwisisa zviga/zvimiso zvechirongwa chakanaka
chokuchengetedza utano hwemombe.
10.1 Nhanganyaya
Zvokuita
● Doma zvimwe zvezvinhu zvakajairika zvekuchengetedza utano hwemombe.
● Itai hurukuro pamusoro pezvakosha zvinounzwa nekuchetedza utano hwemombe.
● Nharaunda yakachena;
● Kutsaura mombe dzichangouya kubva kune dziri kurwara;
● Chikafu chine utano;
● Kupa mombe mushonga nenguva;
● Kudzoredza(retention)mombe dzakasimba dzisina zvirwere;
● Kukasika kuona kana pane zvinenge zvakanganisika kana urwere pamombe;
● Kuchengeta magwaro anopa huchapupu(records) hweutano hwemombe.
Murimi anofanira kushambidza nzvimbo inogara mombe kuti dzigare dziine utano
hwakanaka. Kushambidza nekushandisa mishonga zvinouraya hupenyu hunotevedzwa
nehutachiona hunounza zvirwere. Pekudyira pemombe hapafaniri kugara pakanyorova uye
mombe dzinofanira kupiwa mvura yakafanira kuitira kuderedza kupararira kwezvirwere
Mombe itsva dzinenge dzichangouya dziine mazuva ari pakati pegumi kana makumi maviri
nerimwe 10-21days dzinofanira kutsaurwa kubva kuboka ragara riripo. Kana ukaona pane
mombe iri kurwara, itsaure woiongorora kuitira kudzivirira chirwere chisapararira. Mombe
dzinenge dzafa nechirwere dzinofanira kupiswa kana kuchererwa pasi dzofusirwa.
62
CHIKAMU 10
Chikafu chine utano
Urongwa hwekupa mombe chikafu chine utano zvine chekuita neutano uye kamuitire
kemombe. Kupararira kwezvirwere mumombe kunogona kumiswa nekupa mombe chikafu
chine utano pazera roga roga muupenyu hwadzo.
Ipa mombe dzako uchitevedza matanho ekupa mombe mushonga anoitwa munharaunda
yako, kubaiwa uye kupiwa kwemishonga nemhando yemishonga yacho zvinoenderana
neurwere hunenge hwakamboitika kana hwakajairika munharaunda mako. Varimi
vanokuridzirwa kuti vadaidze vanamazvikokota veutano hwemombe kuti vapiwe ruzivo
pamusoro pezvirwere zvinokanganisa mombe dzavo munharaunda mavo.
Kudzoredza mombe dzakasimba dzisina zvirwere (Retain animals that are physically
sound and free from disease)
Chengeta mombe dzisina zvirwere. Mombe dzisina utano dzinokudyira mari nekuti dzinoda
kurapiwa nemishonga.
Kana mombe ichinge yafa daidzai vana mazvikokota veutano hwemombe vaiongorore. Ipai
mombe mushonga mushure mekunge ongororo yechirwere yaitwa zvakasimba uye
munofanira kunge maona zvechokwadi chirwere chinenge chaibata. Kupa mombe mushonga
munhu aine fungidziro yechirwere zvinogona kumudyira mari. Varimi vanokurudzirwa kuti
vatange vawana ruzivo rwakakwana kubva kumadhokotera vanova ivo vana mazvikokota
vasati varapa mombe inenge ichirwara.
Inzwi rekuti “vital singns” rinoreva zvinosanganisira kudziya kwemuviri, kufema uye
kupomba kunoita moyo ropa.Kunewo zvakawanda zvinoitwa nenhengo dzemuviri asi izvo
zvitatu zvadomwa ndizvo zvinonyanyokanganiswa nekuda kweurwere muutano
hwemombe dzenyama.Varimi havafaniri kungotarisa chete kusanduka kwechimiro
chemombe dzavo chete asiwo kudzidza kugona kuona kusagadzikana kwemuviri
mumombe kana vachinge vatarisisa utano hwemombe kuti vakwanise kudzima urwere
uhu.
64
CHIKAMU 11
CHIKAMU 11
Zvirwere Zvinokonzerwa neZvikwekwe
muZimbabwe
Donzo rechidzidzo
● Kuziva zvirwere zvinowira mombe muZimbabwe;
● Kunzwisisa zvinokonzera zvirwere zvakajairika zvinobata mombe
dzenyama;
● Kuziva kuti ungaona sei zvirwere izvi;
● Kuziva kuti zvirwere izvi zvingadzivirirwa sei;
● Kukwanisa kufananidza kana kubatanidza zvinoonekwa pamombe
yafa neurwere husingazivikanwi nezviri kuonekwa pamombe yafa
neurwere hunozivikanwa;
● Kukwanisa kuona mombe dzinorwara kubva muboka.
11.1. Nhanganyaya
Zvirwere zvinobata mukati memuviri memombe zvinokonzerwa netumbuyu tudiki
tusingagoni kuonekwa nemaziso asi nemichini inokudza (microscope). Tumbuyu utwu
tunosanganisira utachiwana (virus), bhakitiriya(bacteria) uye zvinopfukuta (fungi). Mombe
inenge yabatwa netumbuyu utwu inoonekwa nezviratidzo zvinotevera:
65
CHIKAMU 11
Zvinokasira kuonekwa zviri pachena kuita maronda ane mvura pamuromo wemombe ayo
anozoputika kuita maronda akashama anorwadza zvakanyanya. Mushure mezvizvi unoona
masiriri kana rute asi zvinoda kungwarira nekuti zvinogona kudaro chiri chirwere cherabies.
Mombe inoburitsa kurira kunoita kunge yadya zvinovava. Kana mombe iyi ichidya
inoonekwa ichitsenga zvine kakuchenjera ichitya kudzimbirwa maronda anenge ari
mumuromo. Nechepamusoro pemahwanda mombe inoita zvakare maronda anova
anoitadzisa kufamba zvakanaka. Maronda awa anogona kuita paminyatso uye zvinokonzera
kuti minyatso iputike zvinogona kukanganisa zamu zvoderedza uwandu
hwemukaka.Zvimwe zvezviratidzo izvi kudziya muviri zvakanyanya uye kusvodza. Unogona
kuona chirwere ichi nekupararira kwechirwere ichi muboka remombe uye uhwandu
hwemombe dzinenge dzabatwa nechirwere ichi. Mhuru ndidzo dzinowanzo kubatwa
nechirwere ichi kudarika mombe huru uye dzinofa dzisina kuratidza zviratidzo zveurwere
uhu. Zvinonyanyoonekwa zvakajeka pamombe dzabatwa nechirwere ichi maronda
pamuromo, pamahwanda uye paminyatso.
Marapirwo nekudzivirira
Hurukuro mumapoka
● Ndedzipi nzira dzaunoshandisa kudzivirira uye kurapa zvirwere zvemombe?
Zviratidzo
Pachinotanga chirwere ichi mombe dzinowanikwa dzakangofa pasina kuratidza kurwara. Asi
ukaramba uchiongorora unozoona kudziya kwemuviri kwanyanya kwemombe, kusafema
zvakanaka uye kubuda dzihwa rakasimba rakarembera. Mombe inozotanga kugwinha
66 gwinha yodonha yofa. Mushure mekufa ropa rakasvibira rakakora rinoonekwa richibuda
CHIKAMU 11
munzeve, mumuromo, kumashure uye mumaziso. Ropa iri haribundiri kana kugwamba.
Mombe dzinenge dzafa makumbo adzo haawomi kana kusindimara anongorembera.
Mushure mezvizvi kana chirwere ichi chapararira mombe dzinoita mazuva maviri kuti dzife
uye zviratidzo zvinotevera:
Kana mombe ichinge yafa nechirwere chetungundu, nzeve dzayo, mumuromo, mumaziso
munobuda ropa rakasviba uye risina kugwamba. Zvitunha zvemombe dzinenge dzafa
zvinokasika kuora. Murimi haafaniri kuvhura zvitunha zvemombe yafa netungundu
anofanira kudaidza vana mazvikokota vehutano hwemombe vari munharaunda veVeternary
Department.
Marapirwe nekudzivirira
Chirwere ichi kana chichangotanga munogona kupa mombe dzenyu mushonga unonzi
penicillin/ oxytetracycline. Mukaka kana nyama inobva mumombe dzinenge dzine
chirwere ichi hadzifaniri kudyiwa nevanhu kana imbwa. Mombe dzinenge dzafa dzinogona
kupiswa kana kuchererwa pasi mugomba rakadzika mamita anoita maviri uye gomba racho
rinofanira kuvharwa nelime. Mombe hadzitenderwi kufamba kana chirwere ichi chaitika.
Kuva neutsanana ndizvo zvinoita chiwere ichi chisapararira muvanhu. Kubaiwa kwemombe
uye kudzipa mushonga zvinofanirwa kuitwa gore rimwe nerimwe.
11.3.1 b. Brucellosis
Ichi chirwere chinokonzerwa nebacteria inokanagnisa nhengo dzinoita mombe
dzeberekane. Chiratidzo chikuru chikuru chechirwere ichi kutsvodza, kunonoka kubata zamu
kwemombe kana mombe zhinji kutadza kuita vana. Vanhu vanogona kubatira chirwere ichi
kuburikidza nekumwa mukaka kana kubata mhuru dzinenge dzatsvodzewa kana kubata
zvitunha zvemombe dzinenge dzafa. Varimi vanorasikirwa neupfumi nekuda kwechirwere
ichi kuburikidza ne:
Mombe dzemazera ese dzinogona kubatwa nechirwere ichi asi chinowanzobata mombe dzava
kuberekena (breeding). Chirwere ichi chinogona kutapuriranwa kubva kumhou ichipa
mwana asi kumombe huru zvinokonzerwa nekunamatira kwemvura dzinenge dzabva
pamombe inenge yatsvodza. Mombe zvakare dzinogona kubatira chirwere ichi kuburikidza
nekusangana (mating) kana kudya chikafu chinenge chiine chirwere ichi. Chirwere ichi
chinogona kuzobata dzimwe mombe kuburikidza ne:
Kupararira kwechirwere kubva mune rimwe boka chichienda kune rimwe boka zvinoitika
kuburikidza nehandira kana dzichisangana nemhou kana kufura sora rinenge raendwa
nemvura kana mhou yatsvodza.
Zviratidzo
Ongongororo yekuona kuti chirwere ichi chapinda mumombe inogona kuitwa kuburikidza
kuongorora mukaka uye ropa izvi zvinoitwa nana mazvikokota vezvemombe muimba
yesaenzi (laboratory).
Hapana murapirwo unonzi ndiwo unogutsa chirwere ichi asi chirwere ichi chinogona
kupedza nekubaya mombe nemushonga unonzi S19 (Brucellois). Kupa mhuru mushonga uyu
dziine mwedzi mina kana misere 4-8 months dzisati dzasvitsa gore zvinoderedza dambudziko
rekutsvodza.
68
CHIKAMU 11
11.4. Chimbwa mupengo (Rabies)
Rabies chirwere chinokonzerwa neutachiona chinokonzera kufa kwezvipfuyo. Chirwere ichi
chinounzwa nemhuka inenge yabatira chirwere ichi kuturikidza nekurumwa kana
kutapurirana nemate. Pfungwa huru ndeye kuti mhuka dzinochengetwa mumusha
hadzisiridzo dzinotanga nechirwere ichi asi kuti kuchenjera kunodiwa kana uchibata mhuka
dzinenge dzine chirwere ichi. Mhuka inenge yabatwa nechirwere ichi inopanduka uye ine
hasha dzekuda kuparadza kana kuita seine chirwere chetsviyo.
Zviratidzo
Mombe dzinogona kubata chirwere ichi mushure memasvondo matatu yarumwa kana
dzamarwa nembwa,nebere,gava kana imwe mhuka inechirwere ichi. Mucherechedzo
yechirwere ichi ndeinotevera:
● Mhuka inenge yakangwara isingadi kunzwa ruzha kana kuona zvinofamba inenge
ichida kuparadza;
● Kusagadzikana;
● Kuhukura kana kukuma zvisina kujairika;
● Handira dzinonyanyisa kuda hadzi zvisina kujairika kana irimombe inokwanisa
kutasva dhongi.
Kubaisa imbwa dzese nekatsi nekuti ndidzo dzinounza chirwere ichi. Kuongorora uye
kudzivisa kufamba kwembwa.
69
CHIKAMU 11
Ichi chirwere chemapapu chinokonzerwa nemakonye, bacteria uye utachiona. Kazhinji kacho
bacteria ndiyo inotora rupande rukuru kukonzera chirwere ichi, ndicho chikonzero
vachikurudzira kushandisa mushonga wetetracycline.
Zviratidzo
Marapirwe
Zviratidzo
Mushure memazuva maviri mombe yabatwa nechirwere ichi inodziya muviri uye inoramba
kufamba. Kusanduka kweruvara rweganda uye kubuda ropa mumhino. Mombe inozofa
mushure mekuramba kudya kurukutika kupera simba uye kuneta .
Marapirwe
Hurukuro mumapoka
● Blackleg chirwere chakajairika muZimbabwe,ungaitasei kudzivirira mombe dzako
kubva kuchirwewere ichi?
70
CHIKAMU 11
Sezvo blackleg ichikonzerwa neClostridia inowanikwa panzvimbo imwechete,nzira iri nyore
kupedza dambudziko iri kupa mombe mushonga. Kupa mombe mushonga kunofanira kuva
pakuronga zveutano hwemombe. Varimi vanofanira kupa mushonga mombe dzisati dzakura
dziri pazera rinobva pamwedzi mitanhatu nemakore matatu. Mazvikokota wezveutano
hwemombe anofanira kudaidzwa pakubaya mombe uye vagadziri vemishonga vanofanira
kunge varipo.
Zviratidzo
Mhuka ine tsanga muziso inoonekwa nekubuda misodzi mumaziso. Maziso anenge aine utera
pakusvinura saka anogara akavharwa uye akatsvuka mukati. Ziso rinogona kucheneruka
pamusoro zvinoratidza udzamu hwedambudziko.
Marapiro
Zviratidzo
Marapirwo
71
CHIKAMU 11
Zviratidzo
Kuzvimba dumbu kuritivi rwekuruboshwe kana kurembera dumbu zvinoita kuti mombe
itadze kufema zvakanaka. Mombe inenge ichifema nemumukanwa asi kupisa kwemuviri
kunenge kuri panotenderwa.
Marapirwo
Mweya uyu unogona kubudiswa nekupinzwa tsono muganda kuruboshwe rwedumbu mweya
worengwa uchibuda zvishoma nezvishoma. Kana izvi zvichiitwa mombe inofanira kunge
yakavata zvakanaka asi kana mombe ikaramba yakadaro munofanira kudaidza chiremba
wemombe kana umwewo mazvikokota wenyaya idzi. Kudzivirira dambudziko iri hamufaniri
kupa mombe zvikafu zvine mhodzi.
Zviratidzo
Izvi zvinosanganisira:
● Mhuru dzinoita manyoka anenge akazara mvura asi asina ropa mushure mekunge
dziine mazuva mashanu ekuzvarwa nawo izvi zvinoitika kana manyoka awa achinge
akonzerwa nebacteria.
72
CHIKAMU 11
● Kurasikirwa nemvura zvakanyanya kwemhuru mumuviri kunoonekwa kuburikidza
nekuwira kwemaziso uye kusahwinya kweganda nekuomarara.
● Kupisa kwemuviri kunogona kusashanduka asi mhuru inogona kushaya simba yozofa
● Utachiwana (virus) hunogona kukonzera chirwere chemanyoka ichi mushure
mekunge mhuru dzine mazuva mashanu kana gumi nemashanu dzaberekwa. Mhuru
dzinobatwa nemanyoka awa chinyararire uye zvishoma nezvishoma dzoita manyoka
akawanda ane mvura zhinji asi dzinoramba dzichiyamwa mukaka.
● Manyoka anozoonekwa mushure memazuva gumi nemana (14 days) anogona kunetsa
kurapa. Tsvina inoitwa nemhuru idzi inenge ichinhuwa uye inenge iine mabara
musana uye ropa. Zvakare mhuru dzinenge dzichidziya muviri uye kurasikirwa
neuremu (weight) nekukasika. Mombe dzinogona kuita dambudiko rekusabvuma
kurapika zvikuru sei kana chirwere ichi chakonzerwa nebacteria
● Manyoka anokonzerwa nekuda kwekupa mombe chikafu (dietry feeding)
anowanikwa mumhuru dzinenge dzine masvondo ari pasi pematatatu mushure
mekuzvarwa. Izvi zvinogona kukonzerwa nekuda kwekupa mhuru mukaka
wakawandisa. Mhuru dzinenge dzakasimba uye dzichipenya pakutanga asi
dzozongotanga kushaya simba uye kuwonda.
● Zvekudya zvisina utano uye kusadya kunogona kukonzera kusanzwisisika kwerudzi
rwemanyoka aya.
Marapirwo echirwere
Mushure mekuona manyoka aya zvakakosha kugadzira uye kupa zvipfuyo mvura ine shuga
nemunyu(salt and sugar solution). Uye kupawo mvura imwe yakachena munodyira mhuru.
Zvakare unogona kuvhenganisa upfu kana furawu wogadzira bota izvi zvinobatsira nyoka
dzemudumbu dzinobatsira pakuzeya. Nzira mbiri dzataurwa idzo dzinogona kumisa
dambudziko remanyoka iri. Mimwe mishonga yechirungu yakaita se sulphanoids uye
tetracycline inogona kupiwa kumhuru dzine mazera aripasi pemwedzi miviri. Kana
kudziya kwemuviri kwakanyanyisa unogona kushandisa majekiseni akaita seoxy-
tetracyline.
73
CHIKAMU 11
zvinobva mumombe zvakaita mukaka, matehwe uye nyama. Mazera ese emombe anobatwa
nechirwere ichi. Chirwere ichi chinoonekwa mushure memakore akawanda pachinenge
chapararira kana kutanga semuenzaniso chinogona kutanga mushure memakore mashanu
kana varimi vasina kubaisa mombe dzavo.
Zviratidzo
Marapirwo
74
CHIKAMU 12
CHIKAMU 12
Zvirwerwe Zvinounzwa neZvikwekwe
Donzvo rechidzidzo
● Doma mhando dzezvikwekwe;
● Kuva neruzivo rwezvikwekwe zvakajairika muzimbabwe;
● Kunzwisisa zvirwere zvinounzwa nezvikwekwe;
● Kunzwisisa zvirwere zvakajairika zvinounzwa nekuda
kwezvikwekwe muZimbabwe.
Hurukuro mumapoka
● Doma mhando dzezvikwekwe zvawakasangana nazvo
munharaunda maunogara. Ndeapi matambudziko anounzwa
nezvikwekwe kumombe dzako?
12.1 Nhanganyaya
Zvikwekwe zvinogara pamombe zvichisveta ropa pamwe nekukuvadza ganda rezvipfuyo.
Zvine muromo wakapinza uye muviri wakazvimba kana kuomarara. Pamusoro zvine ganda
rakaomarara rinonzi shield zvikuru sei zvikono zvacho males. Zvikwekwe ndizvo
zvinokonzera kupararaira kwezvirwere muzvipfuyo. Zvirwere zvinounzwa nezvikwekwe
tick-borne diseases zvinounza kurasikirwa kwakanyanya kwevarimi nekuda kwekufirwa
nezvipfuyo. Pazvinhu zvese zvinoparadzira zvirwere muzvipfuyo zvakaonekwa kuti
zvikwekwe ndizvo zvinopa dambudziko rakakura kuvarimi rekurasikirwa nemari uye
nezvipfuyo zvakanyanya uye zvinokonzera kurasikirwa kana kushomeka kwehuwandu
hwezvipfuyo takatarisa upfumi hwenyika yedu yeZimbabwe.
Shield/ scutum
Izvi zvinoshandiswa kuti murimi agone kuona kana chikwekwe chiri chechikadzi kana
chirume. Scutum iyi inogona kuva ine ruvara kana kusava narwo, ruvara urwu ndirwo
runoshandiswa kuona mhando yechikwekwe.
Maziso
75
CHIKAMU 12
Festoons
Ruvara rwemakumbo
Makumbo echikwekwe anogona kuva neruvara rumwechete kana kuita mavara mavara
nemitsetse.
Muromo
Zvikwekwe zvine nzvimbo dzazvinofarira kugara uye kuruma zvichikweva ropa. Zvinogona
kuwanikwa munzeve, pazasi pemuswe, muhapwa kana paminyatso yemombe. Zvikwekwe
zvakajairika zvinowanikwa muZimbabwe ndezvinoti:
● Brown ear tick (Rhipicephalus)
● Blue tick (Boophilus)
● Bont legged tick (Hyalomma)
● Bont tick (Amblyoma)
Maberekerwo echikwekwe
Mufananidzo uri pazasi unoburitsa matanho nemararamiro echikwekwe kubva pakuzvarwa kusvika chakura
Mazai (1) anokandirwa namai otsotsonywa pobuda zvikwekwe zvidoko (2) zvokura (3)
kuenda padanho rekutanga (4)mushure mekunwa ropa rezvipfuyo. Danho rechikwekwe
chikuru rekutanga (4) chokura zvakare (5) chiri pachipfuyo kuenda padanho rechipiri
rekukura (6) apa chinenge chichimwa ropa rechipfuyo (7) apa chinobva chaguta nekukura
dumbu neropa engorged(8). Chinozokura kuita chikwekwe chikuru (9). Mai vakuru
vechikwekwe vanosangana nababa (mate) zvakare zvosveta ropa kekupedzisira (11) zvisati
zvazadzwa vazadzwa neropa engorged (12) chikwekwe chinobva chabva kunotsvaka
pekugara, panzvimbo inodziya pekukandirira mazai.
76
CHIKAMU 12
12.3 Zvikwekwe zvakajairika zvinowanikwa
muZimbabwe
1.) Brown ear tick (Rhipicephalus)
Iyi mhando yechikwekwe ndiyo inofambisa chirwere cheCorridor disease uye East
Coast Fever mumombe. Zvakarewo chikwekwe ichi chinogona kufambisa chirwere cheRed
Water (Babesiosis). Chikwekwe ichi chinowanikwa munzeve dzemombe uye pamuswe pedyo
nepanobuda nendove. Zvikwekwe izvi zvikawanda zvinogona kupararira nemutsipa nehuro
yemombe.
Chikwekwe ichi chine ruvara rutsvuku kusanganisira makumbo acho. Muromo wacho
mupfupi uye wakapamhamha. Ukanyatsocherekedza zvakanyanya chinoonekwa kuti chine
mativi matanhatu uye chakada kuita seimba yemakona. Maziso echikwekwe ichi aripo uye
chine mafestoons. Chikwekwe ichi chinogona kugara pazvipfuyo zvitatu 3 hosts
zvakasiyana chisati chabva kuenda pachinofarira kuti chikandire mazai.
Chikwekwe ichi ndicho chinofambisa chirwere chinonzi Red Water (Babesiosis uye Gall
sickness (Anaplasmosis) muzvipfuyo. Chikwekwe ichi chinowanikwa pamutsipa
mumakumbo uye muzasi medumbu.
77
CHIKAMU 12
Chikwekwe ichi chine ruvara rupfumbu uye ruvara rwedenga (blue). Zvikwekwe zvikono
zverudzi urwu zvidoko uye zvinomera kamuswe kadiki. Chikwekwe ichi chine maziso asi
hachina mafestoons.
Chikwekwe ichi chine makumbo ane ruvara rwakasiyana siyana uye muromo wacho
wakareba. Mafestoons anogona kuvapo kana kusavapo uye meso aripo zvakare. Chikwekwe
ichi zvakare chinogona kusveta zvipfuyo zvitatu zvakasiyana chisati chaguta ropa kuti
chinokandira mazai acho.
Scutum yacho ine ruvara ruonyanyoonekera uye muromo wacho wakareba uye wakarurama.
Mafestoons acho anoonekera zvakare chine maziso.
Zvokuita
● Peta chikamu chino nekudoma zvirwere zvinounzwa nezvikwekwe munharaunda
maunogara.
79
CHIKAMU 13
Zvirwere Zvinonyanyokonzerwa neZvikwekwe
muZimbabwe
Donzvo rechidzidzo
● Kunzwisisa zvirwere zvinoparadzirwa nezvikwekwe.
● Kukwanisa kuona zviratidzo zvezvirwere zvinounzwa
nezvikwekwe.
Hurukuro mumapoka
● Zeya pamusoro pezvirwere zvinounzwa nezvikwekwe
munharaunda maunogara.
● Doma zviratidzo zvezvirwere izvi.
● Zvipfuyo zvingani zvakabatwa nezvirwere izvi munharaunda
mako?
● Ndeapi matanho awakatora kurwisa zvirwere izvi?
● Ndezvipi zvawakaita uye zvawakashandisa kurapa zvirwere izvi?
● Kunzwisisa zviratidzo zvekusava neutano kana chipfuyo
chichirwara.
13.1 Nhanganyaya
Zvirwere zvinounzwa nezvikwekwe muZimbabwe ndezvinoti:
● East Coast Fever (Corridor disease);
● Gall Sickness;
● Heart water (Cowdriosis);
● Red water (Babesiosis);
● Sweating Sickness (Tick toxicosis/paralysis.
Marapirwo
Marapirwo nekudzivirira
81
CHIKAMU 13
maona zveidi kuti pane chirwere chenduru ichi chapinda muzvipfuyo munokurudzirwa
kutsaura zvipfuyo zvinorwara kubva kune dzisingarwari. Mushonga weoxytracycline
unogona kushandiswa mushure memazuva makumi maviri nemasere ega ega kana pachinge
pabviswa zvikwekwe. Chirwere ichi chinogona kudzivirirwa kuburikidza nekufirita mombe
zvikwekwe uye kuendesa mombe kudhibhi
Ichi chirwere chinobata mombe nehwai nembudzi chichi konzerwa nezvichikwekwe chinonzi
bont tick. Chirwere ichi chinoonekwa kuburikidza nekukwira kwekupisa kwemuviri,
kuvhunduka, kuita manyoka uye kuungana kwemvura muchipfuva nemudumbu memombe.
Zviratidzo
● Kupisa muviri;
● Kuvhunduka kwezvipfuyo kunosanganisira kusagadzikana pakufamba, kutsenga
mazino nekuruma,kubwaira bwaira kwemaziso achipindurudzwa, kuruma
nekudzirira vanhu nekuparadza zvinhu, kuita sebofu, kuwira pasi uye kuzofa
kwechipfuyo;
● Kuita manyoka zvishoma.
Zviratidzo zvapiwa izvo hazvionekwi panguva imwe chete semuenzaniso chipfuyo chinogona
kupisa muviri chichitadza kumuka uye manyoka. Pamwe pacho unogona kusaona kuti
chipfuyo chiri kurwara chobva chafa chiripo ripocho, unofanira kutarisa pachafira zviratidzo
zvapiwa izvo. Chipfuyo chese chinenge chichiita zviratidzo zvapiwa izvo unofanira
kuchifungidzira huvepo hwechirwere ichi. Kana chichinge chafa neHeart Water chiratidzo
chikuru chinoonekwa imvura yakawanda zvakanyanya inenge yakaungana muchipfuva
nemudumbu.
Izvi zvinosanganisira:
● Mvura mumoyo;
● Mvura inoungana mumuviri ineropa rakabundira.
Marapirwo nekudzivirira
82
CHIKAMU 13
ichi chakajairika kunzvimbo dzakaita seBinga uye Hwange. Red Water zvakare inowira
mombe dzinenge dzakamboita zvikwekwe kana kugara munzvimbo dzine zvikwekwe
zvakawanda. Chipfuyo chinenge chine chirwere ichi chinenge chichipisa muviri
zvakapfurikidza mwero. Chirwere ichi chinokonzerwa nezvikwekwe zvinonwa mombe ropa
zvakaita sebont neblue tick. Ongororo ikaitwa mutsinga dzezvipfuyo zvine chirwere ichi
munoonekwaa kuti munenge musina ropa uye kuita weti yakasangana neropa.
Zviratidzo
Kana zvipfuyo zvako zviine chirwere ichi cheRed Water unofanira kutarisirawo huvepo
wezvirwere zvakaita se:
Kana ukaongorora mombe inenge yafa nechirwere cheRed Water unoona zvinhu izvi:
● Jaundice;
● Itsvo dzakasviba uye dundira rinenge riine weti yakatsvukuruka.
Marapirwo
83
CHIKAMU 13
Zviratidzo
Marapirwo nekudzivirira
Hapana nzira chaiyo iri pachena yekurapa chirwere ichi. Kubvisa zvikwekwe ndiyo nzira iri
nyore kudzivirira chirwere ichi.
84
CHIKAMU 14
CHIKAMU 14
Tumbuyu Tunobata Zvipfuyo (Parasites)
Donzvo rechidzidzo
● Kuziva zvakakoshera tumbuyu tunogara mudumbu mezvipfuyo;
● Kuziva tumbuyu tunokonzera kurwara muzvipfuyo;
● Kuziva zviratidzo zvezvipfuyo zvinenge zvabatwa netumbuyu utwu;
● Kuziva matanho anotorwa kurwisa nekurapa tumbuyu utwu.
Hurukuro mumapoka
● Ndedzipi mhando dzetumbuyu turi kuunza zvirwere kuzvipfuyo
munharaunda maunogara?
● Zvii zvaunoona muzvipfuyo zvinenge zvabatwa netumbuyu utwu?
● Buritsa pachena zvirongwa zvamunazvo uye nzira dzekupedza
tumbuyu utwu
14.1. Nhanganyaya
Tumbuyu (parasites) tupuka tunogara mukati kana pamuviri wezvipfuyo tunokuvadza
zvipfuyo kuburikidza nekuruma kana kumwa ropa yemhuka yatunenge twakagara pairi.
Tumbuyu tunogara kunze kana pamuviri pechipfuyo tunopiwa zita rekunzi maexternal
parasites uye tunogara mudumbu tunonzi mainternal parasites. Mapoka maviri ataurwa
etumbuyu utwu ese anogona kukonzera kurasikirwa nezvipfuyo kwemurimi. Semurimi
unofanira kuziva mhando dzetumbuyu utwu uye matanho anotorwa pakurwisa dambudziko
ratunogona kuunza. Makonye emudumbu anodaidzwa kunzi roundworms neliver fluke
ndiyo emamwe marudzi etumbuyu twemukati mezvifpuyo anopedza zvipfuyo zvevarimi
muZimbabwe. Medium kana kuti brown stomach worms nderumwe rudzi
rwemaroundworms akajairika kuvanhu. Matapeworms kunyange achibata zvipfuyo
zvakaita semombe haanyanyokuvadza kana kupa dambudziko rakanyanya kumombe,
kudzivira uye kurapa tumbuyu utwu zvinoenderana neruzivo rwemafambiro anoita tumbuyu
utwu zvichisiyana nzvimbo nenzvimbo. Kubvisa tumbuyu utwu tose zvinogona kunetsa asi
zvinogona kuderedza nekushandisa mishonga kuburikidza nezvirongwa zvakanangana
nekurwisa tumbuyu.
14.3. Marapirwo
Mishonga mizhinji inowanikwa muzvitoro zvevarimi. Mishonga iyi inowanikwa iri
pakasiyana siyana dzinoti: Avermectins, Ivermectin, Dormectin, Eprinomectin, and
Moxidectin or Benzimidazoles (Oxfendazole, Albendazole, fendbendazole).
85
CHIKAMU 14
Awa makonye akareba ane misoro inoita seine zvirauro uye miromo yekusveta yakareba
zvakare anoonekwa mundove yezvipfuyo.
3.) Flukes
86
CHIKAMU 14
uye kufa. MuZimbabwe dambudziko remakonye emhando iyi anoitika munzvimmbo
dzakasvinga mvura, munzizi uye nzvimbo dzine mafuro akazara mvura isiri kuyerera.
Liver fluke (Flatworm). One-segmented worms with head and tail in one
Zviratidzo
87
CHIKAMU 14
Marapirwo
F=Full dose - kumwisa mushonga - Murimi ngaaape mombe mushonga wakakwana kubvisa
makonye awa mudumbu kana mushonga wakakwana wokufirita kubvisa zvikwekwe.
I=Ideal timing - unofanira kuziva kuti mushonga wako unogara zvakadini uine simba kuitira
kuti ugoziva pekuzofirita mombe zvakare. Unofanira kuzivawo muraramire wechikwekwe
kana makonye kuti ugoziva kushandisa mushonga nenguva yakakodzera semuenzaniso
munguva yekupisa mazayi ezvikwekwe nemakonye anoparara saka munofanira kuisa
mushonga kuparadza zvikwekwe pazvinenge zvichikandira kana kutsotsonya kuitira
kuderedza huwandu wezvikwekwe.
88
CHIKAMU 14
G=Give it a break - mushure mekushandisa mushonga kwenguva zvikwekwe zvinogonawo
kurwisawo mushonga uyu zvinokonzera kuti zvisafe. Kana waona izvi zvaitika unogona
kushandisha mumwe mushonga kwenguva diki. Mushure menguva diki iyi unogona
kuzodzokera kumushonga wako wekare.
H= Hold and treat - kana uchangotenga dzimwe mombe, haufaniri kudzibatanidza neboka
ragara riripo. Tanga wadziisa padzo dzega (HOLD) paunokwanisa kudzirapa makonye
(TREAT) izvi zvinodzivirira zvikwekwe nezvirwere.
T=Test - tanga waona kana mushonga wauri kuda kushandisa uri iwo chaiwo unogona
kushanda basa rawakagadzirirwa.
Hurukuro mumapoka
● Tsanangura uchishandisa manzwi ako kuti inzwi rekuti FIGHT rinokurangaridzei
maringe renzira dzekurwisa nyongororo nezvikwekwe.
● Ndedzipi nzira dzakajairika dzaunoziva dzekurwisa nyongororo?
● Munharaunda mauri munobviswa makonye sei?
89
CHIKAMU 15
Maronda muMombe
Donzvo rechidzidzo
Mukupera kwechikamu chino vadzidzi vanofanira kunge vave:
● kuziva kukosha kwemaronda muzvipfuyo;
● kukwanisa kuona mombe dzine maronda;
● kuziva kudzivirira nekurapa maronda.
Hurukuro mumapoka
● Matuso emaronda kumombe dzenyama;
● Zviratidzo zvinoratidza kuti mombe ine maronda;
● Kuti murimi angadzivirire sei kuti mombe dzake dzisaita
nemaronda;
● Ungarape sei mombe dzako maronda.
15.1 Nhanganyaya
Maronda zvinoreva kuchekeka kana kuvhurika kweganda remombe. Kune mhando mbiri
dzemaronda. Maronda anoita paganda ayo anokanganisa chimiro cheganda. Maronda
akadzika (deep wounds) awo anokanganisa mukati meganda anoda vana mazvikokota
vemombeVeterinary Assistant or \ Veterinary O f fi c e r. Mombe inogona kukuvadzwa
netsono,chipikiri,waya pagumbo kana simbi kucheka ganda, kana tambo yakasungwa
zvakasimba inogona kukuvadza ganda remombe. Mombe inopenga kana kutunga inogona
kukuvadza dzimwe. Kuti murimi anzwisise nyaya iyi zvakadzama anogona kushandisa
chinyorwa chakanziRefer to dehorning in Cattle Beef Production for Small Scale Farmers
Book 1.
Marapiro nekudzivirira
Kurapa :
● Suka maronda nemvura ine munyu kana kushandisa mishonga yakaita se Dettol or
Potassium permanganate solution
● Shandisa mishonga antibiotics yekudzivirira kurapa nzvimbo dzinenge dzaenda
mabacteria
● Shandisawo miti yechivanhu inowanikwa munharaunda yakaita segavakava,
muvenga honye kana murunju runju.
Hurukuro mumapoka
Rimwe zuva uchimuka mangwanani woona kuti imwe yehandira dzako iri kubuda ropa
nekuda kwekukuvadzwa. Mushure mekutarisisa nekuongora handira iyi unoona kuti ine
ronda guru rakadzama.
● Tsanangura kuti unorapa sei ronda iri uchishandisa mishonga yechivanhu kana
yechirungu?
● Semaonero ako iwe chii chakaipira mombe dzine maronda?
● Ndezvipi zvakajairika zvinokonzera maronda kumombe papurazi pako?
● Ungaita sei uye kushandisa nzira dzekudzivirira maronda papurazi pako?
92
REFERENCES
REFERENCES
Mabhuku akashandiswa nemunyori
Cleere I., Raising Vs Buying Replacement Heifers, Agri-Life Extension, Cooper Research
Organisation, Cattle tick control. Texas A & M Systems.
Cundiff L. V., (2004). Implications of Breed Type Evaluations. Proceedings, 49th Annual
Texas A & M University Beef Cattle Short Course. M-7-M-24.
Fell L.R., Wells R. and Shutt D.A., (1986). Stress in calves castrated surgically or by the application
of rubber rings. Australian Veterinay Journal, Volume 63, pages 16-18.
Fisher A. D., Knight T. W., Cosgrove G. P., Death A. F., Anderson C. 8., Duganzich D. M., and
Matthews L. R., (2001). Effects of surgical or banding castration on stress responses
and behaviour of bulls. Australian Veterinary Journal, Volume 79, pages 279-284.
FAO. (1979). A Zambian handbook of pasture and fodder Crops, pages 52-99.
Gadberry S. and Troxel T.R. Selection and management of replacement heifers FSA 3076-
PD-12- 05R, University of Arkansas, division of agriculture cooperative extension services. web site
at: http://-wwwuaex.edu/pdf.
Gadberry S., Pemington I., and Powell I. Internal Parasites in Beef and Dairy Cattle,
University of Arkansas division of Agriculture, cooperative extension services agriculture and
natural resources. Grierson D.S. and Afolayan A.J. (1999) An Ethnobotanical Study of Plants
used for the Treatment of Wounds in the Eastern Cape, South Africa, Journal of
Ethnopharmacology, 67:327-332.
Hasler R., (1996). Agriculture, Foraging and Wildlife Resource Use in Africa: Cultural
and Political Dynamics in the Zambezi Valley. London and New York: Kegan Paul
lnternational and Columbia University Press.
Hove L., Chakoma C. and Nyathi P., (1999). The potential of tree legume leaves as
supplements in diets for ruminants in Zimbabwe. In: Holness D. H. (editor), Strategies
for Dry Seaon Feeding of Animals in Central and Southern Afiica. Proceedings of a joint ZSAP/
FAO workshop, Harare, Zimbabwe.
Kasisi Agricultural Training Centre and Swedish Cooperative Centre (2010), Agroforestry
Study Circle material, 3rd Edition, Lusaka, Zambia.
Loxton I.D., Toleman M.A. and Holmes A.E., (1982). The effects of dehorning Brahman
crossbred animals of four ages on subsequent bodyweight gain. Australian Veterinatry
Journal, Volume 58, pages 191-193.
93
94