Shona
Shona
Mumwaka wezhizha nguva zhinji denga rinenge rakati dhuma nemakore Vanhu vanenge vari shina
shina kusakura muminda. Rega uone zvinoita mupande nemheni , ungati magetsi aputika. lyi nguva
zvekudya zvinenge zvakati chakata. Ipwa, mavisi, manhanga nemapudzi inenge iri sharaude. Kana riri
gore remaguta vanhu vanoita sevachatsemuka matumbu nekugutisa. Zvisikwa zvese zvinenge zvichifara.
Makurwe anenge achiridza mhururu muminda. Matatya anenge achidzvova ari mumvura achifarira
mvura itsva inobva kuna Musikavanhu. Shiri dzinenge dzichimba nziyo dzakasiyana-siyana. Mumasango
howa hunenge hwakati chakata. Shwarara dzinoti farara munguva iyi. Chisikwa chese chinofema
chinenge chichifarira nguva yezhizha. Mombe, mbudzi, makwai
nembongoro zvinenge zvichifura sora rakati zvi-i kusvibira. Zvipfuwo nemhuka dzesango zvinenge
zvichiita bira zvichinakirwa nekudya kunotapira.
Mibvunzo
Pfupiso
Nyora pfupiso ine manzwi asingapfuuri makumi matatu uchitsanangura kunaka kwenguva yezhizha
Semunhu ainge asati ambosvika mudhorobha, Wadzanai akati vhu-u pamusika weMbare nedutavenhu
rekwaMukumba. Wadzanai akati rita rita oshaya kuti onanga kupi. Akabva aona chimwe chikomana
chainge chakamonwoa bvudzi mumusoro ndokuchibvunza achiti, “Unoziva panogara sekuru vangu
VaTigere here?” Chiya chikomana chakati dzawira mutswanda kunongera hadzichanetsi. Chakati kuna
Wodzandi, “E-e ndinovaziva. Nditevere ndinokuratidza kwavanogara.” Chikomanana ichi, Fatso
chakaona zvacho kuti Wadzanai ainge akaputirwa neruzevha. Chakati nechemumwoyo “Chawawana
batisisa mudzimu haupi kaviri.” Chakasvika naWadzanai pane mumwe mukoto ndokuudza Wadzanai kuti
aburitse zvese zvaaive nazvo muhomwe chero dzakavanda nekuti kwavaienda kwainge kusingatenderwi
zvinhu muhomwe, Wadzanai akabudisa mari yese oipa kuna Fatso. Fatso akaudza Wadzanai kuti amupe
bheke anosanopa sekuru nekuvazivisa kuti vaita muenzi. Wadzanai akapa Fatso bheke renhumbi
ndokusara angove munhu zvake.
Urwu rwiyo rwakange rwuchiimbwa naana vatete vachitambira muroora wavo Muchaneta.
lye Muchaneta akanga ari mudenga rechinomwe. Aifamba zvishoma nezvishoma sekamba. Madzitete
aya akusha mupunga nezvihwitsi.
Muchaneta ainge ari ngirozi chaiyo parunako. Ainge akapfeka gauni jena akafuka musoro wake.
Madhikanzi nemhete zvaipenyapenya pangirozi Muchaneta.
Madzitete aMuchaneta akatangawo kumbira Munaro vacheti, “Munaro kunaka wakanaka asi gudo riri
nane.” Munaro ange akapfeka sutu nhema neshangu nhema. Musi uyu aive hamburamokako yerume
chaiyo.
Wainge uri musi wa12 Nyamavhuvhu 2010 kuHarare Gardens apo Munaro naMuchaneta vakange
vachichata. Mimhanzi yaana Jah Prayzah, Winky D naMacheso yaidandaurwa zuva iri.
Mufundisi Gonese vo
akaparidzira vaviri ava kuti vaizogara sei semurume nemukadzi. Vaviri avo vakazopanana mhiko dzavo.
Vakapiwa mukana wekuratidzana rudo vachitsvodana.
Vabatidzi vakapiwa mukana wekumveesana. Vaiti vakaenda kumberi, voenda kumasure. Vakaenda
kurudyi, voenda kuruboshwe. Izvi zvaida kuzvionera pamhino sefodya kwete kutaurirwa sembare
dzekumusana. Vana vevanhu vaiita kutsvikidza zviuno semukonimukoni,
Keke rakachekwa nevachati rikapiwa vanhu. Vanhu vese vaivepo vakapiwa chidimbu chekeke.
Vanhu vakaudzwa nemushamarari kuti vaende kunodya. Chikafu chaive mavhu nemarara. Zvaiti sadza
jena, sadza rezviyo, mupunga une dovi neusina, nyama yehuku, yembudzi, yemombe neyenguruve.
Paive nematapura, bhinzi nemasoseji. Zvinwiwa zvinotonhorera nezvinodhaka zvaive sharaude. Vaive
nenhomba yenyama musi uyu yakapera. Vaive nemashavi edoro vakamapira zuva iri.
Nguva yezvipo yakati yasvika vanhu vakabisa zvipo vachitukirira nekuraira vachati. Vamwewo ndivo
vaiyemura vochati. Zvipo zvaiti zvipfuwo, midziyo yemumba, zvipfeko nemari. Vachati ava vakawana
zvipo zvakawanda.
Chusingaperi chinoshura. Zuva rakazogara miti. Mutambo ndiye tande kwatinoziva tose
kwamvurayachekamakumbo, iri izuva risingakanganwikwi muupenyu. Munaro naMuchaneta vava baba
namai.
Mibvunzo.
1. Ndivanaani vaichata?
7. Ndivanaani vaimveesana?
“Kuti baba ava vachadzoka here ava? Kuti vochiri vapenyu? Ndiani wangu angandipindura mibvunzo iyi.
Regai ndishinge kuchengeta vana ndozoona kunowira tsvimbo nedohwe." Ava vainge vari mai Taurai
vakange vachizvidya mwoyo nemibvunzo yavange vasina mhinduro.
Baba vaTaurai vakanga vabva pamusha makore mashanu akanga apfuura. Vakanga vabva vachiti vari
kuenda kuSouth Africa kunotsvaka basa kuti vogoriritira mhuri. kubva zvevakange vabva pamusha
vakabva vati kwakaenda tsvimbo ndiko kwakaenda tsuro. Havana kuzombotsikazve rutsoka rwavo
pamusha apa.
Mai Taurai vakasiirwa vana vatatu vanoti Taurai, Tadiwa naTorai. Pakaenda baba vaTaurai kuJoni Taurai
aive mufomu yechina. Mai Taurai vakati ndoita zano ripi? Vakatonga kurima murivo, mapuno
nehanyanisi vachitengesa. Mana rose rekwaNembudziya kuGokwe raitoziva kuti murivo unowanikwa
kwamai Taurai.
Mai Taurai vakadzidzisa vana vavo kusagarira maoko. Vana ava vaibatsira amai vavo kudindza bindu
nekuisa mufudze. Waiona chiri chipatapata amai nevana vachidiridza murivo wavo.
Vanhu vaiuya kuzotenga murivo, hanyanisi nemadomasi kwamai Taura. Vamwe vaitohodha
vozonotengesa pamusika weNembudziya. Mai Taurai vakawana mari yekuendesa vana vavo kuchikoro.
Taurai akashanda nesimba kuchikoro. Ainzwira mai vake tsitsi avo vakange vachivariritira vari
munhukadzi oga pasina murume. Taurai akazonyora mazamanishoni efornu yechina.
Pakazobuda bvunzo idzi Taurai akazowanikwa ari mumwe weshasha dzakabudirira pabvunzo idzi. Taurai
akabva awana nzvimbo yekuita zvidzidzo zveurairidzi. Taura akashanda nesimba pazvidzidzo zvake.
Nguva zhinji aiti kana asina zvekuita aifunga amai vake.
Aivaona vakasenga mugomo wenwura pamusoro, man’a akatsemuka semupanje wemabura. Aivoona
nguva zhinji vakabata rushaya vachifunga mhibdu dzavangaite kuti variritire mhuri. Taurai aizoerekana
musodzi yake yoerera.
Paakapedza zvidzidzo zvake Taurai akavakisa imba pamba pavo. Imba iyi yainge yakanaka zwikuru.
Yainge ine makamuri masere. Yaive nemataira padenga uye pasi. Akatengera ama vake nevana vamai
vake zvekupfeka nezvekufuka. Ndiye akanga obhadharira vanaTadiwa naTorai mari yechikoro.
Vanhu vese vaingoti vakati baa imba yaMai Taurai yavainge vavakisirwa naTaurai vaingoti “Chirere
mangwana chigokurerawo.” Zvechokwadi mai Taurai vainge vopura nyemba nomusana zvichibva
mukurera Taurai
Mibvunzo
1. Baba vaTaurai vaive kupi?
Zuva nezuva vanhu vaimuka vachikanda maziso mudenga vachida kuona kana mudenga mange manyuka
makore. Makore akaramba kunyuka. Denga raifuma rakati jenen’ene roswera zuva rese rokadaro. Gore
iri rakave gore renzara.
Rainge riri gore ra1982. Mudunhu ralshe Zimuto kuMasvingo kwaive nevamwe mai vainzi mai
Muchineripi. Amai ava vakange vakafuma zvikuru. Pamba pavo zvekudya zvauve zviri mavhu nemarara.
Murume wavo aishanda ari gweta muguta reHarare. Chero nzara yakange yotsviriridza munyika yese,
mai Muchineripi vaingoita zvavo jemanewadya. Mumba mavo mainge makati chakata nechikafu.
Rimwe zuva pakapfuura vamwe amai vainzwisa tsitsi. Amai ava miromo yavo yakanga yakati papata
kuoma nenzara. Kumeso kwavo kwakanga kwakasvava seruva rotsva nezuva. Amai ava vainzi
VaDzasukwa.
VaDzasukwa vakasvika pagedhe paVaMuchinenpi ndokuona mai Muchineripi vari pamba vaine vana
vavo vanoti Tichatonga, Tonderai, Sekai naNdomupei. Mai Muchuneripi vokafinyamisa pameso apo
vakaona VaDzasukwa vachisvika pagedhe pavo. Vaisada kuona vanhu vonosiririsa pamba pavo. Vakati
kuvana vavo, “I-i, vanodeiko vamuchembere avo? Ini handidi zvekusemeswa ini. Vanoti ndini
ndingapedza nhamo yavo ini. Vandisiye!”
Mai Muchineripi vakati nyamwi kusimuka kuita serudo kunochingura VaDzasukwa izvo kwaive kusada
kuti VaDzasukwa vasvike pachivanze chavo.
Mai Muchinenpi vakaenda kugedhe. Vakasvikobvunza VaDzasukwa kuti vaidei. VaDzasukwa vakavaudza
kuti vanokumbirawo chikafu sezvo vainge vofa nenzara Mai Muchineripi vakafinyama ndokuti, “Pano
ndipo pawanzwa kuti pane chikafu? Nzara iri mudzimba dzose.
Ibvai pano!” VaDzasukwa vakati kanhama nazvo ndiye petu petu vachidzokera kwavainge vabva.
Sekai akanga akateerera amai vake vachitauro naVaDzasukwa. Akaudze amai vake kuti zvomavainge
vaita zvainge zvakaipa. Muenzi haapedzi dura. Mai Muchineripi vakafinyamira Sekai ndokubva vatanga
kudya magaka neminzwa yawo.“Iwe kana uchivada VaDzasukwa vatevere. Chienda unogara navo
zvachose. Unoda kuti vanhu vanopemha vajairire pamusha pano?"
VaDzasukwa pavakati pote kuseri kwewaya vakanzwa simba ravo richipera zvishoma nezvishoma
mumuviri. Vakabva vati dhi-i pasi ndiye randakadya ndiroro regore ra1982.
Pakazopfuura VaMakoni wanike wekuMatenga ainge ashanda base rake pana VaDzasukwa. Vakazozivisa
Ishe Zimuto kuti vakange vaona munhu akafa, Ishe vakazozivisa mapurisa ayo akazotora VaDzesukwa
vovaendesa kuchipatara. Kuchipatara VaDzasukwa vokaonekwa kuti vakange vashaika nenzara,
Kubva zuvo iri kusvikira nhasi mai Muchineripi vachiri kuzvidemba kuti vakaitei. Muenzi haapedzi dura.
Mibvunzo
1. Nzara yawaverenga yaiveko mugore ripi?
7. Ndiani akaudza mai Muchineripi kuti vainge vaita zvakaipa vachinyima VaDzasukwa chikafu?
Vana Sojena vakareva vafunga pavakati kukurukura hunge wapotswa. Ndava kukurukura nokuti
ndakapona nepaburi retsono padutumupengo iri.
Wainge uri musi wa15 Kurume 2019 apo dutu remhepo nedzvotsvotsvo remvura zvakabva mugungwa
reIndian Ocean zvakananga kunyika yeMozambique. Dutumnpengo iri rainzi idai.
Idai akananga kuBeira ndokusvikowiza matanda emagetsi, miti nedzimba. Munzvimbo iyi waingonzwa
“maiwee, yowee!” Ava vainge vari vanhu vaichema vachiyeredzwa nemvura. Chakasara chakange chine
mudzimu wakasimba.
Idai hoyo kuSofala pfacha. Vanhu vakawirwa nemiti nedzimba. Vazhinji vakakuvara, vamwe vokasiya
nyemba.
Dutumupengo iri harina kugumira munyika yeMozambique chete. Idai akapembera akananga kunyika
yeZimbabwe. Chakave chipatapata nhaka yemakonzo kuChimanimani vanhu vachtisvaka pekuvanda uye
vochitiza neupenyu.
Idai akasvika parwizi runonzi Haroni. Rwizi rwakabva reatsemurwa mvura ichienda munharaunda.
Vanhu, mhuka nezvipfuwo zvakayeredzwa nerwizi urwu. Dzimba dzakadhirika dzikoyeredzwa . Zvaida
kuzwionera pamuno setodya zvakaitika kuChimanimani.
Rumwe rwizi runonzi Nyahode rwakabva rwati handingasariri shure segotsi. Rwakaitawo manyemwe
rwakananga kukamba yemapurisa. Rwakayeredza kamba, zvose zvoivamo kusanganisira vanhu. Chero
vaiwa nemashavi ehove pokushambira zvakakona n’anga murapwa achida.
Rwizi runonzi Rusitu rwakatiwo ndofa ndaedza. Rwakabva rwayeredza raini rose rekwaVhimbo.
Zvaisiririsa zvoomesa mate mumukanwa.
Idai akasvika nepamazambuko. Mazambuko mazhinji akatsemurwa tsemurwa achitevedza nzizi. Rimwe
zambuko rinzi Pondo rakatsemuka rikayeredzwa nerwizi.
Pakaitka chisionekwi umhandara hwaamai. Pane dombo rakabva mugomo ndokunanga pochikoro cheSt
Michael Lwanga High School kuChimanimani. Vamwe vana vechikoro vokatsikirirwa nedombo iri
vakaenda kwamupfiganebwe.
Idai akasvika kuChipinge nekwaMutare achiparadza vanhu, mhuka, miti nezvivakwa. Migwagwa mizhinji
yakaparadzwa. Idai akasvika kuMasvingo, Gweru neHarare. Kwese uku Idai akasiya matsimba. Voruzhinji
vainge vogara vakabatira ura mumaoko vachitya kuparadzwa nedutumupengo.
10. Doma tsumo iri mundima inoreva kuti zvinhu zvose zvinopera.
Nhunzi chipuka chinogara pamusha nemumasango. Chipuka ichi chinowonekwa pose pose. Pakaita
chinhu chinenge chanhuwa unoona nhunzi dzichimhanyirapo kurutidza kuti nhunzi dzinofarira tsvina.
Nhunzi dzinomhara mumatanga dzodya ndove. Pamusha panenge pasinu chimbuzi nhunzi dzinoenda
patsvina yevanhu dzomhara. Dzinodya tsvina iyi kusvika matumbu adzo ati tashu kuguta. Padzinomhara
patsvina nhunzi dzinotora utachiona nemambava adzo nemakumbo. Kana munhu akatsveta chikafu
asina kuchivharira nhunzi dzinomhara dzozunza utachiona hwadzabva nahwo patsvina kana ndove. Kana
nhunzi dzichidya chikafu, dzinotanga dzarutsa tsvina yedzawana mumatanga dzodya chikafu chitsva. Izvi
zvinoreva kuti dzinenge dzorutsa tsvina yadzawana mumasango dzodya chikafu chiya. Kana munhu
akadya chikafu chamharwa nenhunzi anokwanisa kunzwa mudumbu kana kuti korera. Nhunzi zvekare
dzinomhara pamaziso anenge asina kugezwa ayo ane maranga kana kuti mabori. Dzinosiya utochiona
pamaziso aya mozoona maziso opupira orwadza izvo mabasa enhunzi. Tinofanira kungwarira nhunzi
muupenyu hwedu. Ngatisave neuchapa kana utsvina. Nhunzi ibhande nebhurugwo netsvina. Ngatisarase
marara pose pose nekuti nhunzi dzinozoparadzira zvirwere. Kana tichinge tapihwa chikafu tinofanira
kuchivhara kuti chisamharwa nenhunzi. Ngatisukei midziyo yedu ichichena kuti nhunzi dzisamhara
pamidziyo yedu nekuti dzinoparadzira utachiona tikapera kuenda kusingadzokwi.
5. Tinofanira kuita sei kana tichinge tapakura chikafu mundiro kuti nhunzi dzisamhare?
Pasichigare vakuru vedu vaive netsika yenhaka. Kugara nhaka kutora chinzvimbo chemushakabvu.
Nhaka yemukadzi yaipiwa kumuzukuru kana munin’ina wemushakabvu. Aitora mukadzi wenhaka aibve
atovewo muchengeti wevana vemusho abvu. Apa ndipo paitaurwa tsumo yekuti akweva sanzu
otokweva nemashizho aro. lyi yaive tsika yakonaka sezvo nherera dzaibva dzawana ‘baba’ veukama
kwete mubvakure asinei navo. Mukadzi aigonawo kuita mbereko nemurume anenge amugara nhaka.
Mbatya nemidziyo zvaigona kugoverwa hama dzese. Muzukuru ndiye aiita basa rekugova mbatya
dzavasekuru uyezve vatete vemufi vaikwanisawo kugovera mbatya panhaka.
Pfupiso
Nyora pfupiso ine manzwi asingapfuuri makumi matatu uchitsanangura zvaiitwa panhaka .
Chitendero chechiKirisitu chakauya nevarungu muZimbabwe mugore ra1890. Kare vatema vaive
nechitendero chavo chevadzimu.
VaKirisitu zvinoreva vanhu vanotendera kumwanakomana waMwari anonzi jesu. Jesu uyu anokosheswa
zvikuru nekuti akauya panyika akazvipira kurovererwa pamuchinjikwa achifira zvivi zvevanhu.
VaKirisitu vane bhuku rine shoko raMwari rinonzi Bhaibheri. Bhuku iri ndiro rvanoshandisa pavanenge
vachiita Svondo dzavo. Vanozonamata pamwe chete kana kuti munhu ega ega anozvinamatira.
VaKirisitu vane kereke dzakasiyana-siyana dzinoti: Roma, Hwisiri, Positori, ZAOGA, Zioni nedzimwe
dzakawanda-wanda. Vamwe VaKirisitu vanopindira masangano avo muchivakwa chinonzi kereke,
vamwe vanopindira pasi pemuti uye vamwe vanopindira mumakomo.
Gungano revanhu vanenge vachishumira pamwe chete rinonzi chechi. Kana vanhu vachipinda Svondo
vanenge vachiimba nziyo dzekurumbidza Mwari. Vamwe vanoridza ngoma, hosho, hwamanda
netamborini. Vamwe vanoridza minhanzi nepiano vachitamba. Mhururu inoti tsvete uye miridzo inenge
ichiridzwa. Dzimwe kereke hadziridzi zviridzwa. Dzinongoimba vanhu vakamira vachiombera maoko.
Vakirisitu vanoverenga shoko raMwari rinobva muBhaibheri. Panoita vanoparidza kureva kududzira
zvinoreva shoko. Vanozonamata Mwari kubudikidza nekumwanakomana Jesu.
Kuti unzi wava mukirisitu unofanira kubhabhatidzwa kunova kusukwa zvivi Vakuru vekereke vanonzi
Vafundisi kana kuti vaPirisita. Vakuru ava ndivo vanopa vanhu chirairo kana misa iyo inomirira muviri
neropa raJesu rakadeuka pachipiyaniso.
Kune mazuva makuru anopembererwa nevakirisitu anoti Kisimusi iyo inoreva kuzvarwa
kwaJesu. Zuva rePasika ndiro zuva rakarovererwa Jesu pamuchinjikwa akafa akazomuka.
Mibvunzo
Mibvunzo
3. Rwizi rwataurwa mundima rwainzi ani? 4. Vanhu vakayeredzwa nerwizi vakadyiwa nei?
Mai vaSarudzai vakamuka vachigovera vana vavo mabasa ekuita kumba kwavo kuChegutu. Musikana
mukuru Sorudzai vakamuti ndiye aizodiridza bindu remurivo musi uyu. Garikai mukomsna amutevera
vakamuti aizoaina nhumbi dzemhuri yese. Chenai ndiye aizotsvaira chivanze. Panashe aizosuka ndiro.
Garikai naPanashe vakaudza amai kuti vainge vavaomesera kuvapa mabasa echikadzi. Mai Sarudzai
vakavaudza kuti mazuva atave hapachina basa remurume kana remukadzi. Munhu wese anofanira kuita
basa rese nekuti chero mumabasa madzimai ave kutyaira madutavanhu, varume vava vana mukoti,
madzimai ava makanika, mainjiniya nemabhiridha. Varume vava kubika mumahotera. Vanhu vese
waenzana mazuva ano. Vana vakazogutsikana nezvainge zvataurwa naamai vavo vakatanga kushanda
zvavo vakasununguka.
Panashe akanga ari nherera. Vabereki vake vese vakange vashaika iye akasiiwa ari zinyarimwe zai
regondo.
Panashe akanga achigaro naambuya nasekuru vainzi VaMhofu. Panashe akarama upenyu hwaivava
sehurukuru.
Mwana uyu akanga achimutswa runyanhiriri vana vese varere achinzi aende kunosakura mumunda.
Aisakura ega vana vaVaMhofu vachidzipfodoro hope dzehumambo
Vamwe vana vese vezera rake vaienda kuchikoro asi iye akanga asingapindi chikoro. Ainzi asare
achifudza mombe. Akanga achiswera muswere wese asina chekudya chaakanda mumuromo.
Rimwe zuva Panashe akanga aswera nenzara. Akanzwa dzungu kuti tsvete kumeso ndokubva ati rega
ndimbogara pabvute remusasa. Mwanakomana akabva anyangirwa nechikomana chinowisa ishe
padare. Akabva atanga kufoza.
Choruveki yekukara yakamuono aisa matama pasi ichibva yati verere ndiye tande mumunda
maVaGurajena. Dzimwe mombe dzakateverawo dzakatanga kudya chibage sedzainge dzasvikirwa
neshavi rekudya.
VaGurajena vakodziti ba-a ndokudzitinha vakananga kwaVaMhofu idzi hasha dziri pahuma. VaMhofu
vakooma mate mukanwoma pavakaona gurusvusvu re mombe richiuya naVaGurajena. VaMhofu
vakareva ruregerero kuna VaGurajena. VaMhofu vakati, “Nhasi Panashe achapfidza matadzo ose.
Kundinyadzisa kudaro.” Vakati mhi-i waya ine minzwa ndiye tande vokananga kusango rejaru.
Vakasvikowana Panashe achitaura nevadzimu zvake pasi pemusasa.
Neshungu VaMhofu vakamuregedzera waya ine minzwa mumakumbo. Mwanakomana akati warawashu
wanike ropa rava rwizi mumakumbo ake. Akamhanya akananga kuchipatara. Vana mukoti
vakamubvunza zvainge zvaitika. Panashe akarondedzera zvose. Vanamukoti vakamunzwira tsitsi.
Vakamupa chikafu.
Mukuru wechipatara ichi akazoudza mapurisa nyaya iyi. VaMhofu vakasungwa Vakazotongwa nedare
vakawanikwa vane mhosva yekushungurudza Panashe vachimushandisa vasingamupe zvekudya. Vakanzi
vakatyora kodzero yaPunashe yekuenda kuchikoro kunodzidza. Vakanzi vane mbhosva yekurova mwana
newaya ine minzwa. Vakaiswa mujere. Ngatisatyora kodzero dzevana.
Mibvunzo
10. Neripi boka rimwe chete riri mudunhu menyu rimirira kuona nezvekodzero dzevana.
Mudhorobha reHwange mune chicherwa chinonzi marasha. Marasha akakosha nekuti anogadziriswa
magetsi uye anogadziriswa simbi. Nzvimbo yeHwange yakatobudirira ichiiswa migwagwa ine tara,
magetsi nenjanji nekuda kwemugodhi wemarasha. KuKamativi kunocherwa tini inogadziriswo magaba.
KuMashava neZvishavane kunocherwa mabwe anoshanda kugadzirisa marata ekupfuririsa dzimba.
Nzvimbo idzi dzakatoita madhorobha nekuda kwezvicherwa izvi. Chimwe chicherwa chakakosha
munyika yedu chinonzi goridhe. Goridhe rinocherwa kuRenco, Shamva, Mazowe, Shurugwi
neMhondoro. Goridhe rinotengeswa kune dzimwe nyika tichiwana mari yedzimwe nyika. Goridhe
rinogadzira mhete, ringi, zvuma nezvimwe zvakakosha. KuChiyadzwa neMurowa, nzvimbo iri
kuZvishavane kunocherwa madhaimondi. Madhaimondi anogadzira mhete, nezvuma. Chicherwa ichi
chinodiwa kune dzimwe nyika. Mari yedzimwe nyika inowedzera upfumi munyika. Mugodhi unonzi
Sandawana uri kuMberengwa unocherwa matombo akakosha anonzi maemaraudhi ayo anogadzira
mhete, rin’i nezvuma. Zvinhu izvi zvinotengeswa zvichiwanisa nyika mari. KuMhangura kunocherwa
mhangura iyo inogadzirisa mapadza nedzimwe simbi. KuDorowa kunocherwa fosifeti inogodzira
mafetiraiza ekuisa muzvirimwa kuti zvikure zvine utano.
KuNgezi kunocherwa platinum iyo inogadzira mushonga wemazino nemushonga wegomorara. KuBikita
kunecherwa lithium iyo inogadzirisa mabhatiri emotokari. Nzvimbo dzine migodhi dzabudirira
muZimbabwe. lyo Zimbabwe pachayo yabudirira nekuda kwezvicherwa. Vanhu vanowana mabasa
kumigodhi voraramisa mhuri dzavo.
Mibvunzo
Vana vadiki vanofanira kuita mahumbwe. Vamwe vana mai vanorambidza vana kutamba mahumbwe
vachiti vanozosviba.
Mahumbwe anodzidzisa vana kugona kubika. Pavanenge vachiisa ivhu shoma shoma vanenge
vachitodzidza mabikirwe esadza apo upfu uhwu hunoiswa huri hushoma-ushoma. Vanenge
vachitosimbisa maoko avo apo pavanotora chimuti vokurunga muchigaba.
Vana vanodzidza utsanana apo pavanosuka chigaba, zvimiti zvavonobikisa uye kutsvaira pavanobikira.
Pavanopakura mahumbwe avo vachiisa muzvitemhe vachipa vamwe vanenge vachidzidza kupa rudo uye
kugoverana nevamwe vachirasa kunyima neumbimbindoga.
Pavanopanana vachiti ‘uchira’ vanenge vachidzidzisana tsika nemagariro eVaShona okutenda kana
wapiwa chokudya kana chokupfeka.
Mahumbwe anodzidzisa vana magarirwe emumba. Vana vanoita mushandirapamwe pabasa zvoita kuti
vagone kugarisana nevamwe zvakanaka.
Vamwe vana vanogona kuroorana kana vakura nokuti vanenge vayemurana kumahumbwe. Mahumbwe
akakosha zvikuru mutsika nemagariro eVaShona.
Pfupiso (Mamakisi 5)
Nyora pfupiso ine manzwi asingapfuuri makumi matatu uchitsanangura zvinoitwa kumahumbwe.
Magetsi akakosha zvikuru muupenyu. Anotipa moto wokubikisa uye achiita kuti tidziirwe. Anotungidza
zvivhitivhiti, madzimudzangara, nharembozha, makombiyuta nezvigayo. Kana pasina moto wemagetsi
midziyo iyi haishandi. Magetsi anogadzirwa nezuva, mvura uye marasha. Kana tichishandisa midziyo
inoshandisa magetsi yakaita sembaura, chitofu, aini kana feni hatifaniri kushandisa midziyo iyi tine
maoko akanyorova nemvura. Mvura ikasangana nemagetsi panobaka moto. Munhu anobva agwinhwa
nemagetsi zvokonzera kusiya nyemba. Magetsi anouraya. Hatifaniri kushandisa midziyo inoshandisa
magetsi tisina shangu mumakumbo. Kana mudziyo uyu wakafa magetsi anopinda mumuviri okugwinha.
Shangu dzinodzivirira kuti kugwinhwa uku kushaye simba. Tambo dzemagetsi hadzifaniri kuva pamhene.
Kana dziri pamhene vana vadiki vanogona kudzikakata vogwinhwa nemagetsi kana kupiswa nemagetsi.
Ngativhare tambo dzemagetsi dzisagara dziri pachena. Kana tapedza kushandisa midziyo yemagetsi
tinofanira kuidzima. Chitofu chemagetsi kana chikasadzimwa chinotsvuka zvakapfurikidza.
Chinozopedzisira chaputika chobaka moto. Moto uyu unogona kupisa imba yose. Moto wemagetsi
unonetsa kuudzima. Haudzimwi nemvura. Ukaudira mvura unotonyanyisa kubvira. Nhumbi nemidziyo
zvinogona kutsakatika nekuda kwemoto wemagetsi. Waya dzemagetsi dzinofanira kuiswa panzvimbo
yadzo nemunhu ane unyanzvi. Kana waya dzemagetsi dzikabatana dzinobvira moto unokonzera njodzi
kuvanhu, zvivakwa nemidziyo iri mumba.
Pfupiso
Nyora pfupiso ine manzwi asingapfuuri makumi matatu uchitsanangura zvingaitwa nevanhu
kuzvidzivirira panjodzi dzemagetsi.